VaGaratiya1

1Phauro Nhumwa, isinai kubva kuvanhu kana kuburikidza nomunhu, asi kuburikidza naJesu Khirisitu naMwari Baba, vadomumutsa kuvadopfa,2nohama dzese dzandinadzo kukherekhe dzokuno kuGaratiya,
3Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba naIshe wedu Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.
4Nokuda kuti atisunungure kubva kuvanhu vazvino vadoipa, iye adozvipereka nokuda kwozvitema zvedu, zviri maererano nokuda kwaMwari naBaba wedu.5Kwaari mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.
6Ndinoshamisiwa kuti munokurumidza kusiya iye adokudaidzai mumutsa waKirisitu muchipindukira kurimwe vhangeri,7kusiri kuti kuno “rimwe vhangeri,” asi kuti panovamwe vanokuvhiringidzai vachida kuedza kusandutsa vhangeri raKhirisitu.8Asi kana isisu, kana ngirozi inobva kudenga ikakuparidzirai rimwe vhangeri rinopesana noratidokuparidzirai, mbaive idoshurikidziwa!9Sekunyaira kwatidoita kare, kana ipopa ndinonyaira kamu: kana panoumwe ari kukuparidzirai vhangeri rinopesana noiro ramudotambira, mbaave adorengerehwa!
10Anga ipopa ndiri kutsvaga kutambirika novanhu chere, kana naMwari? Kana pamwe ndiri kuedza kufadza vanhu? Dai ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndaivaba muranda waKirisitu.
11Hama dzangu ndinoda kuti muzive, kuti vhangeri randidoparidza harinai kubva kumunhu.12Ndava handinai kuritambira kubva kumunhu, kana kuridzidzisiwa, asi ridouya kuburikidza nokuzururihwa kudobva kuna Jesu Khirisitu.
13Ndava mudonzva muraramiro wangu wokare muchiJudha, kutambudza kudokungudza kwandaiita kherekhe yaMwari ndichiedza kuiparadza.14Uye muchiJudha ndanga ndidopindiridzitsa kukunda vozera rangu pakati povanhu vangu, zvokuti ndaiva noshungu dzidonyanyitsa patsika dzomadzibaba yangu.
15Asi iye Mwari adondikamura ndisati ndazvahwa nokundidaidza mumutsa wache adofara16kuti andiisire pachenu Mwanakomana wache, kuitira kuti ndimuparidze pakati povasiri vaJudha, handinai kutsvaga nzeru kubva kumunhu upi zvache,17kana kuenda kuJerusarema kuno avo vadondithangira kuva nhumwa, asi ndidoenda kuArabhiya, pasure ndidodzokera kuDhamasiko.18Kwapera makore matatu ndipo pandidoenda kuJerusarema kobvakachira Kefasi kuti ndimuzive, ndokugara naye mazuva gumi nomashano.19Asi handinai kuona imwe nhumwa kusiya kwaJakobho munin'ina waIshe.
20Ndiri kukunyorerai chokwadi pamberi paMwari, hayasi mabhwodo!
21Pasure ndidoenda kumatunhu yoSiriya noSirisiya.22Uye ndanga ndisinati ndazikana chiso nokherekhe dzaKhirisitu dzomuJudhiya,23vaindonzva zvichinzi, “Munhu waimbotitambudza uye, iyezvino wava kuparidza kutenda kwaaiedza kuparadza.”24Vadobva vakudza Mwari nokuda kwangu.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014