2 vaKorinde11

1Ndaida kuti mundiitire mwoyo murefu pashoma paudzemwa hwangu. Tondiitirai mwoyo murefu wacho!2Ndinokunzvirai chanje youmwari, ndava ndidokukonzerai Khirisitu kuti ndikusvitsei semusikana adochena kumurume wache mubodzi anova Khirisitu.3Asi ndinocha kuti sezvo nyoka idonyengedza Evha nomambere yayene, pfungwa dzenyu dzingataike kubva pakuperera kwomwoyo udochena muna Khirisitu.4Ndava kana umwe akauya achiparidza umwe Jesu adosiyana nowatinoparidza, kana kukutambidzai mweya udosiyana nowamudotambira, kana kukugamuchidzai rimwe vhangeri risiri ramudogachira, munotozviitira mwoyo murefu udokwana.
5Ndinofunga ndiriba mudiki wokupedzisira panhumwa vadokudzitsiwa.6Kana zvazvo ndisiri shasha pakutaura, asi ndinoziva idozviisa pachenu kwamuri nonzira dzese.
7Ndidoita chitadzo nai pakuzvibata uyanga kuitira kuti mukwiridzihwe, ndava ndidoparidza vhangeri raMwari pasinai chamaibhadhara?8Ndidopamba dzimwe kherekhe nokutambira kwandaiita rutsigiro kubva kwadziri kuitira kuti ndigone kukushumirai.9Uye pandaiva nemi ndiri pakusaya, handinai wandidoremedza, ndava zvandaisaya ndidozvipasiwa nohama dzidobva kuMesodhoniya. Saka ndidoreka uye ndicharekera kukuremedzai nomutoo upi zvawene.10Sekuvapo kwochokwadi chaKhirisitu mandiri, kuzvirumbidza kwangu uku hakusi kudzonyaradziwa mumatunhu yoAkaya.11Nondava yei? Indava yokuti ndinokudaiba chere? Mwari anoziva kuti ndinokudai!
12Uye zvandinoita ndicharamba ndichizviita, kuitira kuti ndigwatidze kutaura kwoavo vanoda kutaura vachizvirumbidza kuti vanoshanda zvidofanana nozvatinoita.13Ndava vanhu vakarevo nhumwa dzomabhwodo, mbashandi vanonyengera, vanozvisandura kunge nhumwa dzaKhirisitu.14Uye zvinoshamisaba, ndava naiye Sathani anozvisandura sengirozi yochiedza.15Saka hazvishamise kana varanda vache vachizvisandurawo sevaranda vokururama. Magumo yavo yachaenderana nozviito zvavo.
16Ndinodzokerera, mbaparege kuva nomunhu anofunga kuti ndiri dzemwa, kana zviri izvo zvamunofunga kuti naininiwo ndizvirumbidzewo pashoma.17(Zvokuzvirumbidza nokuzvitenda zvandiri kunyaira ndinozvinyairaba zvichibva kuna Ishe asi fanike ndiri dzemwa.18Sezvo vazinji vachizvirumbidza nomutoo wonyika, naininiwo ndichazvirumbidza).19Ndava munofarira kuita mwoyo murefu nomadzemwa, sezvo imipa muri vadochenjera!20Ndava munoita mwoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana kukuphonyedzai, kana kukutsotsai, kana akazvikudza, kana kukurovai nombama.21Ndinozvishora, regai ndidaro, tanga tidovhuwa maninge pazvakarezvo!
Chese munhu chaangade kuzvirumbidza nacho - ndinotaura kunge dzemwa - naininiwo ndinozvirumbidza nacho.
22Ivo mbaHebheru chere? Kana nainini. MbaIzirairi chere? Naininiwo. Mbana vaAbhurahamu chere? Naininiwo.23Mbaranda vaKhirisitu chere? Ndiri kunyaira kunge ndinopenga asi ndiri muranda ari hasa kukunda ivo! Ndidoshanditsa, ndidoisiwa mutorongo kazinji, ndidorohwa kasingaverengeke, kusvika pakuda kupfa kazinji.24Kashano ndidoshapuriwa nomaJudha shamhu makumi matatu nodzipfemba.25Ndidorohwa notsvimbo katatu, ndokudzotemewa nomatombo kabodzi. Ndidodzoita tsaona nochikepe katatu, nokudzopedza masikati nousiku ndiri mumvura.26Ndaimbondoita hwendo, ndichiita njodzi patuhwizi, njodzi kumakororo, njodzi pavanhu vokwangu, njodzi pano vodzimwe Ndudzi, njodzi muguta, njodzi mugwenga, njodzi pagungwa, njodzi pahama dzokunyepera.27Ndidoshanda ndichitambudzika futi kadowanda handinai kuenzera, ndidoziva kuva nonzara nokuva nonyota, ndidogara ndisingaje kadowanda, ndaitonhohwa futi ndaigara ndiri pedzi.28Kunze kwozvakarezvi, ndinonetseka mazuva ese nokuva nohanya pamusoro pokherekhe dzese.29Mbani adovhuwa, ini handinai kuvhuwa? Mbani anowisiwa muchivi, inini ndotadza kushushikana?
30Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pazvinhu zvinonangidza kuvhuwa kwangu.31Mwari naBaba vaIshe Jesu, iye anorumbidziwa nokusingapere, anoziva kuti ndinobhwodokaba.32Mutongi waiva pasi paMambo Aresitasi adochengetedza guta roDhamasiko kuti vandisunge,33asi ndidoburutsiwa nopafafitera pamadziro ndiri mudengu, ndikapunyuka mujanja rache.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014