1Timoti5
1Reka kukaruza murume mukuru noukari, asi mukurudzire fanike zvaunoita baba vako, vochidiki vatore kunge vanin'ina vako,2vanhukadzi vakuru uvaite fanike anamai, vanhukadzi vadiki fanike hanzvadzi, zvakarezvi mbazviitiwe muutsvene hwese.3Remekedza vajiche chaivo vochokwadi.4Asi kana mujiche anovana novazukuru, mbavathange kudzidza basa rochinamato kumhuri yavo norokudzotsera zvidonaka zvavadoitihwa novabereki vavo, ndava zvakarezvi ndizvo zvinofadza Mwari.5Mujiche chaiye, adosiiwa wega, nguyo adoisa tariro yache muna Mwari anoramba achikumbira kwaari nokunamata masikati nousiku,6asi mujiche anozviisa pakuzvifadza adopfa kare achiri mupuma daipo.7Varaire uchitsikimidza, kuti vareke kunyadzisa.8Kana munhu asingariritire hama dzache, kunyanyitsa vomumhuri yache, wakareyo wabirika mukutenda zvidokungudzirafuti kukunda asingatende.9Mujiche mbaareke kuverengewa pabodzi novamwe vajiche kusiya kwokunge wava nomakore yasvika makumi matanhatu, mbaave uye wanga ari mukadzi womurume mubodzi,10futi mbaavewo anopfakazihwa zvidonaka, adoyarutsa vana vache zvidonaka, anotambira varendo mumba mache, anoshambidza tsoka dzovatsvene, anobatsira vanotambudzika, pakare anozvipira kuita zvidonaka zvese.11Asi ramba kuisa muchiverengo vajiche vadiki, ndava kana vakundikana kugara vari vajiche vanodzoda kuroorewa, votadza kudzozvipira kuna Khirisitu,12saka vanodzopasiwa mhosva yokuchora chivimbiso chavo chokuthanga.13Pamusoro pozvakarezvo, vanodzidza kundogara, vopedza nguwa vachikanza mudzimba, havaperere kundogara basi asi vaiti vomakuhwa vachinyaira zvavasingafanire.14Saka ndinototi vajiche vadiki mbavaroorewe, vaite vana, vochengeta dzimba dzavo, kuti varege kupasa muvengi mukana wokunyaira zvidoipa pamusoro pedu.15Ndava vamwe vajiche vadototaika kare vachitevera Sathani.16Asi kana pano mukadzi mutendi anohama vajiche mbaavabatsire, kuti kherekhe ireke kupasiwa mutoro, kuti kherekhe ibatsire vajiche chaivo.17Vakuru vanotungamirira zvidonaka mbavapasiwe chiremera chidopetewa, kunyanyitsa vaye vanoita basa rokuparidza nokufundisa.18Ndava rugwaro rinoti, “Reka kusunga muromo wodhonza rinopura gorosi,” futi “Mushandi adokodzehwa nomuripo wache.”19Reka kutetekera kupomehwa kunoitiwa mukuru kusiya kwokunge paita upfakazi hwovairi kana vatatu.20Vaye vanombondotadza, vadzume pamberi povese, kuti vamwe vagare vachicha.21Ndinokutsindikira pamberi paMwari nopamberi paJesu Khirisitu nopongirozi dzitsvene kuti uteerere kuraira kwakareku usingaite zvotsvete kumunhu.22Reka kukurumidza kubata munhu pamusoro, kana kuva nochikamu pazvitadzo zvovamwe vanhu, zvichengete uri mutsvene.23Chireka kundomwa mvura basi, asi imwawo tuwaini tushoma kuti zvikubatsire mudumbu mako munombondokusvota.24Zvitadzo zvovamwe zvinooneka pachenu, futi zvinovakwevera kotongewa, asi zvitadzo zvovamwewo zvinodzooneka panguwa yopamberi.25Nzvibodzibodziwo nozviito zvidonaka zvinooneka pachenu, futi noizvo zvisinganatse kuoneka pachenu hazvirambe zvidosvisvika.
The Word for the World International