1Timoti4
1Manje Mweya anotaura zviri pachenu kuti panguwa yokupedzisira vamwe vachatsambuka vachisiya nzira yokutenda vachitevera mweya inofurira futi vachitevera kudzidzisa kwomashave,2kudzidzisa kwakareku kunouya nounyengeri hwovanyepi, vanohana dzinenge dzidopisiwa nosimbi inopisa.3Vakareva vanorambidza kuroorana nokuja zvimwe zvidosikiwa naMwari kuti zvitambiriwe nokutenda noavo vanoziva chokwadi.4Ndava chese chidosikiwa naMwari chidonaka, futi hapanai chinofanira kurambiwa kana chichitambihwa nokutenda,5ndava chinoitiwa chitsvene noshoko raMwari futi nomunamato.6Kana ukaraira zvinhu zvakarezvi kuhama, unova mushumiri adonaka waKirisi tu Jesu, adorerehwa mumazvi yokutenda nodzidziso idonaka yaudotevera.7Siyana nozvinzano zvisinai umwari nonyaya dzoudzemwa dzochembere, uzvifundise kuva noumwari.8Ndava kurovedza muviri kuno zvakunobatsira, asi kuva noumwari kunobatsira zvese, nokuti kuno zvidovimbisiwa muupenyu hwonguwa ino nohwonguwa inodzouya.9Kunyaira kwakareku kudotendeka, kunofanira kutambiriwa zvizere.10Ndosaka tichishanda nokushingirira, ndava tidoisa tariro yedu muna Mwari mupenyu, anova Muponisi wovanhu vese, kunyanyitsa wovanotenda.11Raira nokudzidzisa zvinhu zvakarezvi.12Mbakureke kuva nomunhu anozvidza udiki hwako, asi iva muenzaniso wovatendi pamatauriro, pamugariro, parudo, pakutenda nopakuchena.13Kusvika pandinouya, ramba uchiverenga magwaro paruzinji, pakukurudzira, nopakufundisa.14Reka kusaya hanya nochipo chaunacho, chaudopasiwa mukunyaira kwochiporofiti paudoturikiwa manja pamusoro novakuru vokherekhe.15Shingirira pakuita zvinhu zvakarezvi, uzvipire kwazviri, kuti vese vaone kubudirira kwako.16Zvichenjerere iwepa nozvaunodzidzisa, zvibatitsitse, ndava pakuita zvakarezvi zvichabatsira iwepa novanokunzva.
The Word for the World International