1 Vakorinde5

1Zviri kutauhwa kuti pakati penyu pano chimina chomushoo usingatambirike kunyange pakati povasingatende. Munhu ari kuita zvobonde nomukadzi wababa vache!2Imimi munotozvikudza! Maifaniraba nai kutorira nokudzinga munhu wakareyo pakati penyu?3Ndava kana zvangu ndisipo mumuviri pamweya ndiripo, ndatoreva mutongo kare kumurume adoita chinhu chidodai kunge ndiripo.4Pamunoungana muzita raIshe wedu Jesu nomweya wangu uripo, nosimba raIshe wedu Jesu riripo,5isai munhu wakareyo kuna Sathani kuti muviri uparadziwe, kuti mweya wache uponesewe pazuva raIshe Jesu.
6Kuzvikudza kwenyu hakunai kunaka. Hamuzive kuti mbiriso ishoma inokukumutsa mukanyiwa wese?7Biritsai mbiriso yokare kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvo muri mukanyiwa mutsva usinai mbiriso, nokuti ndozvamava. Ndava Khirisitu hwayana redu rophasika, adoitiwa chibairo.8Saka mbatirambei tichipemberera mutambo, aikona nombiriso yokare, mbiriso yokunyangadza noyouipi, asi nomazingwa yasinai mbiriso, iko kuita nomwoyo wese nochokwadi.
9Ndidokunyorerai mutsamba rangu kuti mureke kubatana nomhombo dzovanhu,10kusiri kureva mhombo dzonyika ino, kana vanonhafu nomatsotsi, kana vanonamata zvifananidzo, ndava zvingatoda kuti mubirike munyika.11Asi ndiri kukunyorerai kuti mureke kuwadzana nani zvache anozviti hama kana anomhosva youpombwe kana nhafu, kana munamati wozvifananidzo, mucheri, mumwi, kana tsotsi - rekai kana kutoja naye.
12Ndava ndingatongereiko vari kunze? Ko handiti mbaye vari mukherekhe vamunofanira kutonga?13Mwari anotonga vari kunze. “Dzingai munhu wakareyo adoipa kubva pakati penyu.”

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014