1 Vakorinde4
1Aya ndiyo maonero munhu yaanofanira kutiita, sevaranda vaKhirisitu novachengetedzi vozvidosvisvika zvaMwari.2Pakare zvinodiwa kuti vachengetedzi vawanike vadotendeka3Asi kwandiri chinhu chidiki maninge kuti nditongewe naimimi kana nodare ripi zvarene rovanhu. Ndava kana nainini pachangu ndinozvitongaba.4Handinai chinhu chandinoziva chinopesana pandiri, asi zvakarezvo zvinondisununguraba. Ishe ndivo vanonditonga.5Saka rekai kutaura mutongo nguwa isinati yasvika, asi mirirai kusvikira Ishe vauya, ndivo vanodzoisa pachenu zvinhu zviri murima zvidohwanda iyezvino nokudzofukunura zvinangwa zvomwoyo. Ipopo munhu wese achatambira pembedzo yache kubva kuna Mwari.6Hama, ndashandisa zvese izvi ndichizvienzanisa inini naAporo, semuenzaniso kwamuri kukudzidzisai zvinoreva mutauro uyu, “Rekai kupindiridza zvidonyorewa” kuti pareke kuva noumwe wenyu anosasuka kufarira umwe achisiya umwe wacho.7Anga mbani anokupasa simba rokutonga vamwe? Chii chaunacho chausinai kutambira? Kana udochitambira, unozvikudzirei kunge changa chisiri chipo?8Mudotowana kare zvese zvamunoda! Mudotopfuma kare! Nokusavapo kwedu matova madzimambo! Ndaida kuti dai muri madzimambo zvenyu, kuti tikovane utongi naimimi!9Ndava ndinofunga kuti Mwari adotitanika isisu nhumwa kuva vokupedzisira kwomudungwe wovese, kunge vanhu vadotongehwa ipfa, ndava tava chinonangaritsiwa nonyika, nongirozi novanhu.10Tiri madzemwa nokuda kwaKhirisitu, asi imimi mudochenjera muna Khirisitu. Tidorukutika, asi imimi mudosimba. Imimi munokudziwa, asi isisu tinozvidziwa.11Kusvika zvino tinonzara nonyota, tinotsiku futi tinobutiwa tisinai pokugara,12tinoshanda, tichizvibatira nomaoko yedu. Patinotukaniwa, tinoropafadza, patinotambudziwa, tinotsungirira.13Patinofudziwa, tinopindura nounyoro. Tava manyara, futi izvozvi tiri manyara yonyika, panotaihwa tsambwa yese.14ndinonyoraba zvakarezvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei sevana vangu vanodikana.15Ndava kana nepo munozviuru zvovarairiri muna Khirisitu, hamunai anababa vadowanda. Ndava ndidova baba venyu muna Khirisitu Jesu kuburikidza novhangeri.16Ndinokukumbirai, kuti muve vateedzeri vangu.17Nokudaro ndidotuma Timoti, mwana wangu anodikana uye adotendeka muna Ishe, kuti akuyeuchidzei nzira dzangu muna Khirisitu, semadzidzisiro yandinodziita kwese mukherekhe dzese.18Vamwe vaakuzvikudza kunge ndisiri kuuya kwamuri.19Asi ndichauya kwamuri nokamangu, kana Ishe vachida, ipopo ndichaziva aikona manyairiro chete yovanhu vakareva vanozvikudza, asi norudzi rosimba ravanaro.20Ndava umambo hwaMwari hahusi mukutaura asi musimba.21Chii chamunoda? Ndiuye kwamuri nomushamu chere, kana norudo mumweya wounyoro?
The Word for the World International