1 Vakorinde6
1Kana mabiyako ano chigumbu nohama, angaende komhangara kuno vasingatende nai panokuti aende kuvatsvene?2Munozivaba nai kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichidzotongewa naimimi, mungavhuwire tumhosva tudikidiki?3Munozivaba kuti tichatonga ngirozi? Manje panyaya dzoupenyu huno, zvidotofanira zvidonyanya!4Zvino kana muno nyaya dzidodaro, sei muchidziisa pamberi poavo vanoonewa vari vopasipasi nokherekhe?5Ndinotaura izvi kuti ndikunyadzisei. Zvingave izvo nai kuti hapanai munhu pakati penyu adochenjera zvidokwana kuti aenzanise pakati pohama?6Asi hama inomhangarira hama, pamberi povasingatende!7Kukwirirana dare kwakareko kwamunoita kunoreva kuti matokundikana kare. Munorekerei kubvuma kudzongewa? Munorekerei kubvuma kubiridzihwa?8Asi imimi pachenyu munodzonga muchibiridzira, muchiitira hama zvakarezvo.9Hamuzive nai kuti vasinai kururama havaji nhaka youmambo hwaMwari? Rekai kunyengedzewa, mhombo, kana vanamati vozvifananidzo, kana mahure, kana ngochani,10kana mbavha, kana vanonhafu, kana vanoraradza, kana vanoguhwa, kana matsotsi vanojaba nhaka youmambo hwaMwari.11Zvakarezvo ndizvo zvanga zvidoita vamwe venyu. Asi mudoshambidziwa, mudochenesewa, mudoruramisiwa muzita raIshe Jesu Khirisitu nomuMweya waMwari wedu.12“Zvinhu zvese ndidozvibvumihwa,” asi hazvisi zvese zvinobatsira. “Zvinhu zvese ndidozvibvumihwa,” asi handidzoitiwa muranda nochinhu chipi zvachene.13“Chokuja chidoitihwa mimba nomimba njochokuja” asi Mwari achaparadza zvese iyo naicho. Muviri haunai kuitihwa upombwe, asi udoitihwa kuti ushumire Ishe, uye naIshe atonge muviri.14Mwari adomutsa Ishe achatimutsawo isisu nosimba rache.15Munozivaba nai kuti miviri yenyu inhengo dzaKhirisitu? Manje ndotora nhengo dzaKhirisitu ndichidziita nhengo dzouhure? Ndizvoba!16Munozivaba kuti uyo anozvibatanidza nohure wava nyama ibodzi naro? Ndava, sekunyohwa kwazvidoitiwa kuti, “Vairi vachava nyama ibodzi.”17Asi uyo wabatanidziwa naIshe wava mweya mubodzi naye.18Tizai upombwe. Chitema chese chinoitiwa nomunhu chiri kunze kwomuviri, asi munhu anoita upombwe anotadzira muviri wache.19Munozivaba nai kuti muviri wenyu imba yaMwari yoMweya Mutsvene ari mamuri, wamudopasiwa naMwari? Hamusi venyu,20mudotengewa nomutengo. Saka kudzai Mwari mumuviri wenyu.
The Word for the World International