1 Vakorinde15
1Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, hama, mutoo wandidokuparidzirai vhangeri, ramudotambira, noramudomira mariri,2ramunoponesewa naro, kana mukabatitsitsa shoko randidokuparidzirai kunze kwokunge mudotenda zvisipo.3Zvandidotambira zvinokosha ndizvo zvandidokupasai pakuthanga zvokuti: Khirisitu adopfira zvitema zvedu maererano noMagwaro,4kuti adovigiwa, uye kuti adomutsiwa nozuva rochitatu zviri maererano nomagwaro,5uye kuti adozvinangidza kuna Kefasi, pasure kunogumi novairi.6Pasure adozvinangidza panguwa ibodzi kuhama dzinodarika mazana mashano, vazinji vacho mbapenyu, kana nepo vamwe vapfa.7Ipopo adodzozviratidza kuna Jakobho, pasure kunhumwa vese.8Pakupedzisira, adozvinangidzawo kwandiri kunge uye adozvahwa nguwa isinati yakwana.9Ndava ndiri mudiki kunhumwa vese, ndinofaniraba kuitiwa nhumwa, nokuti ndidotambudza kherekhe yaMwari.10Asi nonyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye mutsa dzache kwandiri dzanga dzisiri pasina. Panokuti zvidaro, ndidoshanda zvidosimba kukunda ivo vese, kana nepo ndisiri inini, asi mutsa dzaMwari dzanga dzineni.11Angave inini kana ivo, izvi ndizvo zvatidoparidza, imimi muchibva mazvitenda.12Zvino kana Khirisitu achiparidziwa kuti adomuka kuvadopfa, vamwe venyu vanotaura seiko kuti hakunai kumuka kwovadopfa?13Asi kana pasinai kumuka kwovadopfa, kana naKhirisitu haanai kumuka ndipo,14kana Khirisitu asinai kumutsiwa, kuparidza kwedu hakunai basa nokutenda kwenyu hakunai basa.15Kunyanyitsa isisu tinowanika tiri zvapupu zvaMwari zvomabwodo, ndava tidopupurira Mwari kuti adomutsa Khirisitu, waasinai kumutsa kana zviri izvo kuti vadopfa havamuke.16Ndava kana vadopfa vasingamutsiwe, kana Khirisitu haanai kumutsiwa.17Kana Khirisitu asinai kumutsiwa, kutenda kwenyu hakunai kabonyo, muchiri muzvitema zvenyu.18Naivo vadopfa muna Khirisitu vadotaika.19Kana muupenyu huno muri imo chete munotariro yedu muna Khirisitu, tinosiririsa kukunda vanhu vese.20Asi zvochaizvo Khirisitu adomuka kuvadopfa, chibereko chokuthanga chovadopfa.21Ndava ipfa sezvaidouya nomunhu, kumuka kwovadopfa kudouyawo nomunhu.22Nokuti vese zvavanopfa muna Adhamu, ndomwenze kamu muna Khirisitu vese vachava vapenyu.23Asi umwe noumwe pazoro rache: Khirisitu chibereko chokuthanga, tevere avo vari vaKhirisitu pakuuya kwache.24Ipopo kuguma kwodzouya, paachapereka umambo kuna Mwari Baba kana waparadza utongi kwese noukuru hwese nomasimba.25Ndava anofanira kutonga kusvikira waisa vavengi vache vese pasi potsoka dzache.26Muvengi wokupedzisira kuparadziwa ipfa.27Ndava gwaro rinoti “Mwari adoisa zvinhu zvese pasi potsoka dzache,” Asi kana zvichinzi, “Zvinhu zvese zvidoisiwa pasi pache,” zviri pachenu kuti kunondosara iye nyakuisa zvinhu zvese pasi paKhirisitu.28Kana zvinhu zvese zvava pasi pache, ipopo Mwanakomana pachake achavawo pasi paiye nyakuisa zvinhu zvese pasi pache, kuti Mwari ave zvese kumunhu wese.29Kana zvisinai kudaro, chii chichaitiwa kuno avo vanoombekehwa adopfa? Kana vadopfa vasingadzomuka, seiko vanhu vachiombekehwa adopfa?30Ko isisu seiko tichizviisa panyatwa nguwa yese31uye sei ndichinangarana noipfa mazuva yese? Izvi nzvochokwadi sezvandinozvirumbidza nokuda kwenyu muna Khirisitu Jesu Ishe wedu.32Kana ndidozviitira vanhu kuti ndidohwa nozvirombo zvomusango paEfeso, zvinondipeiko? Kana vadopfa vasingamutsiwe, “Mbatije nokumwa, ndava mangwana tichapfa.”33Rekai kunyengedzewa, “Shamwari dzidoipa dzinoodza unhu hudonaka.”34Dzokai papfungwa dzidonaka, murekere kumbotadza. Ndava vamwe venyu vanozivaba Mwari. Ndinozvinyaira kuti munyare.35Asi umwe angabvunze, “Anga vadopfa vanomuka tini? Vanouya nomuviri udoita tini?”36Iwe dzemwa romunhu! Chaunojara hachimere kunze kwokunge chapfa.37Futi unojaraba muviri uchavapo, asi mbeu basi, pamwe yogorosi kana yozvimwe.38Asi Mwari anoipasa muviri sezvaanosarudza, uye kurudzi rombeu yegayega anoipasa muviri wayene.39Ndava nyama yese hainai kufanana, asi imwe njomunhu, imwe njomhuka, imwe njotushiri, noimwe njohove.40Pano miviri yokudenga nomiviri yopanyika, asi kubhwinya kwoyokudenga nghumwe, nokubhwinya kwoyopanyika nghumwe.41Pano kubhwinya kwozuva, nokumwe kubhwinya kwomwedzi, uye kumwe kubhwinya nghonyenyedzi, nonyenyedzi inosiyana noimwe nyenyedzi pakubhwinya.42Zvakarezvo ndizvo zvichaita kumuka kwovadopfa. Muviri udovikiwa uchiora, unomutsiwa uri muviri usingaore.43Unovikhiwa uri mukuzvidziwa, unomutsiwa uri mukubhwinya. Unovikhiwa udovhuwa, unomutsiwa uri musimba.44Unovikhiwa uri muviri wonyama, unomutsiwa uri muviri womweya. Kana panomuviri wonyama, nomuviri womweya uripowo.45Saizvozvo kudonyohwa kuti, “Munhu wokuthanga Adhamu adova munhu mupenyu,” Adhamu wokupedzisira adova mweya unopasa upenyu.46Asi zvomweya ndizvoba zvidothanga asi zvonyama, pachidzotevera zvomweya.47Munhu wokuthanga wanga ari wonyika, adoitiwa noivhu, munhu wochipiri adobva kudenga.48Sezvanga zvidoita munhu woivhu, ndizvo zvidoitawo ivo voivhu, uye sezvidoita munhu wokudenga, ndizvo zvidoitawo vokudenga.49Sezvatidova nochimiro chomunhu woivhu, tichavawo nochimiro chomunhu wokudenga.50Ndinokuudzai izvi, hama: nyama nogazi zvingagareba nhaka youmambo hwaMwari, kana chinoparara kugara nhaka yochisingaparare.51Onai! Ndinokuudzai chidosvisvika. Hatingapfe tese, asi tese tichasanduhwa,52kundoti ngwezu, kunge kuboira kwoziso, pahwamanda yokupedzisira. Ndava hwamanda icharira, vadopfa vachamuka vasisaparare, uye tichasanduhwa.53Ndava muviri uyu unoparara unofanira kusimira kusaparara, nomuviri wakareyu unopfa unofanira kusimira muviri usingapfe.54Kana muviri unoparara wasimira kusaparara, nomuviri unopfa wasimira kusapfa, ipopo pachaitika kutaura kudonyohwa, “Ipfa yamedzewa nokukunda.”55“Iwe ipfa, kukunda kwako kuri poi?Iwe ipfa karumborera kako kari poi?”56Kupfonda kwoipfa ndicho chitema, nosimba rochitema ndiwo mutemo.57Asi Mwari mbaatendewe! Adotipasa kukunda kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu.58Nokudaro, hama dzangu dzinodikana, mirai mudosimba, pasinai chinokutsukunyutsai, nyanyitsai kuita basa raIshe, muchiziva kuti muna Ishe kushanda kwenyu hakusi kwomahara.
The Word for the World International