1 Vakorinde16
1Zvino pamusoro pokuunganidzira vatsvene, itai sezvandidoraira kukherekhe dzopaGaratiya.2Pazuva rokuthanga kwosondo rimwe norimwe, umwe noumwe wenyu mbaaise imwe mari padivi maererano nomawaniro yache, moichengeta, kuitira kuti pandinouya parege kudzova nokuunganidza kunodzoitiwa.3Uye pandinosvika, ndichatuma nomatsamba avo vamunopupurira kuti vaendese chipo chenyu kuJerusarema.4Kana zvidofanira kuti inini ndiendewo, vachabatana nainini.5Ndichauya kwamuri musure mokupinda nomuMesodhoniya, ndava ndichapinda nomuMesodhoniya,6pamwe ndichagara nemi kwonguwa, kana kutosvika pakupera kwochando, kuitira kuti mundibatsire pahwendo hwangu, kwese kwandichaenda.7Ndava handidi kukuonai zvino zvomapinda nzira, ndinotarisira kupedza nguwa naimimi, kana Ishe vatendera.8Asi ndichagara paEfeso kusvika paPendekositi,9ndava musuwo mukuru wokuita basa udondizurukira, uye vanopikisana neni mbazinji10Kana Timoti wauya, ivai nochokwadi kuti anenge asinai chaanocha pakati penyu, ndava ari kuita basa raIshe, kunge inini.11Saka hapanai anofanira kumuzvidza. Asi muendesei panzira yache norugare, kuti adzoke kwandiri, ndava ndiri kumutarisira pabodzi nohama.12Kana iri hama yedu Aporo, ndinomukumbira chaizvo kuti auye kwamuri nodzimwe hama, wanga asingade kuti auye manje. Asi achauya kana wawana mukana.13Chenjerai, mumire mudosimba pakutenda, ivai vanhu vadoshinga, ivai nosimba.14Zvese zvamunoita mbazviitiwe murudo.15Munoziva kuti voimba yaSitefanasi ndivo vaiva vatendi vokuthanga muAkaya, uye vadozvimisira kushumira vatsvene. Ndinokukumbirai, hama,16kuti muzviise pasi povanhu vadodaiva nouyo wese anopinda mubasa iri nokushanda pariri.17Ndinofara nokuuya kwaSitefanasi naFotunatusi naAkaikasi, ndava vadopereka zvidosaika kubva kwamuri pamanga musipo,18nokuti vadomutsiridza mweya wangu nowenyu. Vanhu vadodarovo mbovaremekedzai.19Kherekhe dzokuEzhiya dzatumira kwaziso. Akwira naPurisika, pabodzi nokherekhe iri mumba mavo, vatumira kwaziso dzopamwoyo muna Ishe.20Hama dzese dzatumira kwaziso.
Moresanai nokutsvodana kutsvene.21Inipano Phauro, ndanyora kwaziso yakarei noruoko rangu chairo.22Kana pano asinai rudo naIshe, mbaashurikidziwe.
Uyai Ishe!23Mutsa dzaIshe Jesu mbadzive nemi.24Rudo rangu mbarive nemi mese muna Khirisitu Jesu. Ameni.
Moresanai nokutsvodana kutsvene.21Inipano Phauro, ndanyora kwaziso yakarei noruoko rangu chairo.22Kana pano asinai rudo naIshe, mbaashurikidziwe.
Uyai Ishe!23Mutsa dzaIshe Jesu mbadzive nemi.24Rudo rangu mbarive nemi mese muna Khirisitu Jesu. Ameni.
The Word for the World International