1 Vakorinde11

1Ivai vateveri vangu, sezvandinotevera Khirisitu.
2Ndinokurumbidzai ndava munondiyeuka muzvinhu zvese uye munochengetedza dzidziso semapasiro yandidokuitai.3Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wese ndiKhirisitu, musoro womukadzi murume, nomusoro waKhirisitu ndiMwari.4Murume wese anonamata kana kuporofita adofuga musoro anozvidza musoro wache,5asi mukadzi wese anonamata kana kuporofita asinai kufuga musoro wache anozvidza musoro wache ndozvibodzi bodzizvo nokunge musoro wache udogerewa.6Ndava kana mukadzi asingasunge dhuku, mbaagerewe vhudzi ndipo, asi kana zvichinyadzisa kuti mukadzi agerewe kana kusvuuhwa musoro mbaasunge dhuku.7Ndava murume anodaba kufuga musoro wache, sezvo ari mufananidzo nokubhwinya kwaMwari, asi mukadzi ndiye kubhwinya kwomurume.8Ndava murume haanai kuitiwa kubva kumukadzi, asi mukadzi adobva kumurume.9Futi murume haanai kusikihwa mukadzi, asi mukadzi adosikihwa murume.10Nochikonzero chakarecho, uye nochikonzero chongirozi, mukadzi achifanira kuva nodhuku mumusoro wache kunangidza kuti ari pasi pomasimba.11Zvisinei, muna Ishe mukadzi anozvimiriraba pasinai murume kana murume pasinai mukadzi,12ndava mukadzi adoitiwa kubva kumurume, zvidodarowo murume anoberekewa nomukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.
13Wongororai imi pachenyu, zvidokohoroka chere kuti mukadzi anamate kuna Mwari ano musoro usinai kufugiwa?14Anga masikihwo pachayo yanokudzidzisaiba nai kuti murume akaita vhudzi rirefu zvinonyadzisa,15asi kana mukadzi akava novhudzi rirefu, zvinomupa chiremera? Ndava vhudzi rirefu adoripasiwa kuti rimufukidze.16Kana pano anoda kuita mhoka, isisu kana kherekhe dzaMwari, hatinai tsika idodaro.
17Pakuraira kunotevera handikupembedzei, ndava pamunosangana nzvobuyaba asi uyanga.18Kuthanga, ndinonzva kuti pamunosangana sekherekhe, pano kukamurana pakati penyu, zvimwe zvacho ndinozvitenda.19Pasinai kupokana panofanira kunge pano zvikwata zvidosiyana pakati penyu izvi zvinoita kuti avo vari pachokwadi pakati penyu vazikane.20Pamunosangana, hachisi chijo chaIshe chamunoja.21Ndava pakuja, munhu wese anondoja zvache, umwe ano nzara, mumwe watokorewa.22Chii! Hamunai dzimba kwokujira nokumwira nai? Kana kutoti munozvidza kherekhe yaMwari muchinyadzisa vasinai chavanacho? Ndichati chii kwamuri? Ndikutunhidzei pazviri? Nikisi.
23Ndava zvandidotambira kubva kuna Ishe ndizvo zvandidokupasai, kuti Ishe Jesu pausiku hwaadopandukihwa adotora zingwa,24paadopereka nhendo, adorikomora, achiti, “Uyu muviri wangu udopasiwa imimi. Itai zvakarezvi muchindiyeuka.”25Nzvibodzibodzizvo nomukombe, vabva kuja chijo, adoti, “Mukombe uyu chibvumirano chitsva mugazi rangu. Itai zvakarezvi, pese pamunoumwa, ndiyeukei.”
26Ndava pese pamunoja zingwa rakareri nokumwa mukombe, munoparidza ipfa yaIshe kusvikira wauya.27Manje wese, anoja zingwa kana kumwa mukombe waIshe nomutoo usingakodzere achava nomhosva yokutadzira muviri nogazi raIshe.28Munhu mbaazviwongorore, wodzoja zingwa nokumwa pamukombe.29Ndava ani zvache anoja nokumwa nokusacherechedza muviri waIshe anoja nokumwira kuti azvitorere kutongewa.30Ndicho chikonzero vazinji venyu vadoneta uye vachihwara, vamwe vadotopfa.31Asi kana tikazvitonga tega, tinotongewaba.32Asi patinotongewa naIshe, tinorangiwa kuti tireke kudzopasiwa mhosva pabodzi nonyika.
33Saka, hama dzangu, pamunoungana kuti muje, miriranai34kana pano anonzara, mbaaje kumba kuti mureke kuunganira kupasiwa mhosva. Pamusoro pozvimwe zvinhu ndichakupasai makwara kana ndauya.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014