1 Vakorinde10

1Hama ndinoda kuti muzive, kuti madziteteguru vedu vese vanga vari pasi poguti, uye kuti vese vadopinda nomugungwa,2uye kuti vese vadoombekewa mugore nomugungwa sevateveri vaMozisi,3uye kuti vese vadoja zvokuja zvibodzibodzi zvomweya4uye kuti vese vadomwa zvokumwa zvibodzibodzi zvomweya. Ndava vadomwa paDombo romweya ridovaperekedza, uye Dombo rakarero wanga ari Khirisitu.5Zvisinei Mwari haanai kufara novazinji vavo, ndava zvitunha zvavo zvidopararira musango.
6Manje zvinhu zvakarezvi ichenjedzo kwatiri, kuti tireke kuda zvidoipa kunge zvavadoita ivo.7Rekai kunamata zvifananidzo kunge zvidoitiwa novamwe vacho, semanyorehwo yazvidoitiwa, “Vanhu vadogarikika kuti vaje nokumwa ndokusumuka kuti vatambe.”8Hatifaniri kuita upombwe kunge zvidoitiwa novamwe vacho, pachibva papfa zviuru makumi mairi nozvitatu pazuva ribodzi.9Hatifaniri kuedza Khirisitu, sevamwe vadomuedza vachibva vaparadziwa nonyoka,10kana kunyunyuta, sezvidoitiwa novamwe vavo vakaparadziwa nomuparadzi.
11Zvino zvinhu izvi zvidoitika kwavari seyambiro kwatiri, uye zvidonyorehwa kutidzidzisa isisu, tidosvikihwa nomagumo yonguwa.
12Saka uyo anofunga kuti anomira mbaachenjere kuti areke kuwa.13Hapanai muedzo udokubatai usiri wovanhu vese. Mwari adotendeka, haakurekei muchiedzewa zvinokunda simba renyu, asi pabodzi nomuedzo anokupasaiwo nzira yokupunyuka, kuti mugone kukunda.
14Nokudaro, vadikani vangu, tizai kunamata zvifananidzo.15Ndinonyaira sekuvanhu vanonzvitsitsa, tongai mega zvandinoreva.16Mukombe wonhendo watinoropafadza, hakusi kuwadzana mugazi raKhirisitu nai? Zingwa ratinokomora, hakusi kuwadzana mumuviri waKhirisitu nai?17Nondava yokuti pano zingwa ribodzi, isisu tiri vazinji tiri muiri mubodzi, ndava tese tinokovana zingwa ribodzi.
18Fungai vaIzirairi, ko avo vanoja zvibairo vanokovanaba noatari nai?19Zvino ndiri kuti chii? Kuti zvokuja zvidoteterehwa kuzvifananidzo, kana chifananidzo chinhu chere?20Neye, asi ndinoti zvinobaihwa novahedheni vanozvibaira mashave aikona Mwari. Zvino ndinodaba kuti muyanane nomashave.21Hamungamwire pamukombe waIshe nomukombe womashave. Hamungajire pathafura yaIshe nothafura yomashave.22Tinoda kumutsa chanje yaIshe chere? Tinomukunda kusimba chere?
23“Zvinhu zvese zvinotendehwa,” asi hazvisi zvese zvinobatsira. “Zvinhu zvese zviri pamutemo,” asi hazvisi zvese zvinovakha.24Mbakureke kuva nomunhu anondotsvaga zvidonakira iye basi, asi zvidonakira vamwe.
25Ijai zvese zvinotengesewa pamusika wonyama pasinai chamunobvunza nokuda kwohana,26ndava “nyika njaMwari nozvese zviri mairi.”
27Kana umwe wovasingatende akakukoka kaja iwewe uchida kuenda, ndoja chese chaisiwa pamberi pako usinai chaunobvunza nokuda kwohana.28Asi kana umwe akati kwauri, “Ichi chidobaihwa zvifananidzo,” chireka kuja nokuda kwomunhu wakunyepa, uye nokuda kwohana,29ndinoreva hana yache, aikona yako.
Sei kusungunuka kwangu kuchitongewa nohana youmwe?
30Kana ndikaja ndichitenda, seiko ndichitongewa pamusoro poichocho chandapasira kutenda?
31Saka kana muchija kana kumwa, kana chese chamunoita, itai zvese kuti Mwari akudziwe.32Rekai kugumbura vaJudha kana vaGiriki kana kherekhe yaMwari,33sezvandinoedza kufadza vanhu vese muzvinhu zvese zvandinoita, ndisingatsvage zvidondinakira, asi zvidonakira vazinji, kuti vaponesewe.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014