1 Vakorinde9

1Ndidosunungukaba nai? Ndiriba nhumwa? Ndidoonaba Jesu Ishe wedu? Ko imipa muriba basa rangu muna Ishe?2Kana kuno vamwe ndisiri nhumwa, asi kwamuri imipa ndiri, ndava muri chisimbiso chounhumwa hwangu muna Ishe.
3Kwakareku ndiko kuzvidzivirira kwangu kuno avo vanoda kundiwongorora:4Hatinai kodzero chere yokuja nokumwa mudzimba dzenyu?5Hatinai kudzero chere yokufamba nomudzimai mutendi, sezvinoita vamwe nhumwa novanin'ina’ina vaIshe naKefasi?6Kana kuti Bhanabhasi nainini nhisu basi tisinai kodzero yokurekera basa rinotiraramisa?7Mbani anoita basa rochiuto achizviripira muhoro wega? Mbani anojara munda womizambiringa asingaje muchero yawene? Mbani anorisa boka asingawane mukaka wacho?
8Ndinoreva izvi kubva pamafungiro yomunhu chere? Ko mutemo unonyairaba zvibodzi bodzizvo?9Ndava mumutemo waMozisi zvidonyohwa kuti, “Reka kusunga muromo wodhonza rinopura mapfunde.” Anga Mwari anohanya nomadhonza nai?10Anozvinyairaba nai nondava yedu? Zvidonyorehwa isisu. Ndava anogaura noanopura vanofanira kugaura nokupura vachigurupira kukovehwa chirimwa.11Kana tidojara mbeu yomweya pakati penyu, tikadzokohwa zvenyu zvonyika tinenge tanyanyitsa nai?12Kana vamwe vachiti vanokodzero yokutsigihwa naimimi, ko kwatiri idotonyanyitsaba nai?
Zvisinei, hatinai kushandisa kodzero yakareyo, asi tinototsunga pachinhu chipi zvachene panokuisa chipinganidzo panzira yovhangeri yaKhirisitu.
13Hamuzive nai kuti avo vanoshanda basa romuimba yaMwari vanowana kuja kwavo kubva muimba yaMwari, noavo vanoshanda paatari vanokovana nayo zvibairo zvinoisiwa pairi?14Nonzira ibodzi bodziyo, Ishe vadoraira kuti avo vanoparidza vhangeri vanofanira kurarama novhangeri.
15Asi inini handinai kushandisa imwe yokodzero dzakaredzo, naipopa handisi kunyorera kuti ndiwane izvozvo. Ndava ndingatoda kupfa panokuti pave noanonditorera chandinozvirumbidza nacho.16Ndava kana ndichiparidza vhangeri, ndinowanaba chokuzvirumbidza nacho. Ndava ndizvo zvandinofanira kuita. Mayanga kwandiri kana ndisingaparidze vhangeri!17Ndava kana ndichiita zvakarezvo nokuda kwangu, ndinomubairo, asi kana kusiri kuda kwangu, ndiri kundoita zvandidotumiwa nokuvimbiwa naMwari.18Zvino mubairo wangu chii? Nguyu basi: kuti mukuparidza kwangu ndipereke vhangeri mahara, ndisingashandise zvizere kodzero dzangu muvhangeri.
19Nokuti kana nepo ndidosununguka kubva kuvanhu vese, ndidozviita muranda wovese, kuti ndiuyise vazinji kuna Khirisitu.20KuvaJudha ndidoita kunge muJudha, kuti ndiuyise vaJudha, kuno vari pasi pomutemo ndidoita kunge ndiri pasi pomutemo - kana zvangu ndisiri pasi pomutemo - kuti ndiuyise vari pasi pomutemo.21Kuno avo vari kunze kwomutemo ndidoita kunge ndiri kunze kwomutemo ndisiri asinai mutemo kuna Mwari asi ndiri pasi pomutemo waKhirisitu kuti ndiuyise vari kunze kwomutemo.22Kuno vasinai simba, ndidova asinai simba, kuti ndiuyise vasinai simba kuna Khirisitu. Ndidova zvinhu zvese kuvanhu vese, kuti kana zvichikwanisika ndiponese vamwe.
23Ndinoita zvakarezvi zvese nokuda kwovhangeri, kuti ndikovehwe maropafadzo yarene.24Munozivaba kuti pamujaho vanotizira vese vanokwikwidzana, asi mubodzi ndiye anotambira mubairo? Saka tizirai kuti muuwane.25Wese anokwikwidza anozvirovedza muzvinhu zvese. Ivo vanozviitira kuti vawane korona inopera, asi isisu kuti tizviwanire korona isingapere.26Inini handiite chimhanyemhanye, handihwi kunge ndinorova mhepo,27asi ndinorovedzera muviri wangu ndichiuita muranda wangu, kuti ndamboparidzira vamwe inini ndireke kudzova asingakodzere.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014