VaHebheru10

1Nokuti mutemo zvauri mumvuri wozvinhu zvidonaka zvichauya usiri mufananidzo chaiwo wozvinhu zvakarezvi, haupfe wakwanisa kuita kuti vanonyedza papfupi vave vadokwanisiwa nozvibairo zvakarezvo zvavanobaira gore nogore.2Manje kana zvanga zvidodaro, dai zvisinai kupera kubaihwa nai, kana vanonamata vanga vadonatsiwa kabodzi zvichipera vangadai vasinai chere kudzonzva mhosva yozvitema zvavo?3Asi muzvibairo zvakarezvo munoyeuchidzo yozvitema gore nogore.4Nokuti gazi rongunzi norombudzi rinokonaba kubiritsa zvitema.
5Saka Khirisitu paadosvika panyika, adoti,“Zvibairo nozvipo mudozvidaba,asi mudondigadzirira muviri,6hamunai kufarira zvibairo zvinopisiwanozvibairo zvinobiritsa zvitema.7Pakarepo ndidoti, ‘Nangarai, ndauyakudzoita kuda kwenyu, Imimi Mwari,sekunyorewa kwazvidoitiwa pamusoro pangu mubhuku romutemo.’”
8Sezvaanonyaira achiti, “Hamunai kuda kana kufarira zvibairo nozvipo uye nozvibairo zvinopisiwa nozvibairo zvozvitema” zvakarezvi zvinobaihwa maererano nomutemo,9ipopo adowedzera achiti, “Nangarai, ndauya kudzoita kuda kwenyu.” Anobiritsa chokuthanga kuitira kuti aise chochipiri.10Uye nokuda kwakareku tidoitiwa vatsvene kuburikidza nochibairo chomuviri waJesu Khirisitu udobaihwa kabodzi zvikapera.
11Uye muphirisita umwe noumwe anomira zuva rimwe norimwe achishumira, nokubaira zvibairo zvibodzi bodzizvo kadowanda, zvisingakone kubiritsa zvitema.12Asi Khirisitu paadobaira chibairo chibodzi chonguwa dzese pamusoro pozvitema, adogarikika pasi kujanja rokuruji raMwari,13kuti amirire kusvikira vavengi vache vaitiwa chitsiko chotsoka dzache.14Nokuti nochibairo chibodzi adoita kuti vave vadokwana nokusingapere vaye vanoitiwa vatsvene.
15NaMweya Mutsvene anotipfakazirawo, paanoti,16“Chakarechi ndicho chibvumirano chandichaita navomumasure momazuva yakareyo, ndizvo zvinonyaira Ishe,ndichaisa mitemo yangu mumwoyo yavonokuinyora mupfungwa dzavo,”
17uye anoingidzira achiti, “Zvitema zvavo nokukanganisa kvavo ndichazviyeukaba.”18Manje kana panokurekerehwa kwozvakarezvi, hakuchinai kubaihwa kwozvitema.
19Naizvozvo hama dzangu, zvatinochivimbo chokupinda muimba itsvene nogazi raJesu,20nonzira itsva ipenyu yaadotivhurira kuburikidza nobiza rokudziirira, ndiwo muviri wache.21Sezvo tinomupirisita mukuru paimba yaMwari,22mbatinyedzei papfupi nomwoyo wochokwadi nokutenda kudosimba, nomwoyo yedu yawazihwa nokunatsiwa kubva pahana idoipa uye miviri yedu yashambidziwa nomvura idochena.23Mbatibatitsitsei kupupura kwotariro yedu kuti tireke kugwetedzeka, nokuti iye adotivimbisa adotendeka.24Mbationei kuti tamutsana mwoyo kuti tive norudo nomabasa yadonaka,25tisingareke kuungana kwedu pabodzi, setsika iri kuitiwa novamwe, asi tikurudzirane chaizvo zvamunoona kuti Zuva rakareriye riri kunyedza papfupi.
26Nokuti kana tichimbondotadza utova mumasure mokunge tatambira ruzivo pamusoro pochokwadi, hakuchinai chimwe chibairo pamusoro pozvitema,27asi kundomirira tichicha kutongewa, nokutsamwa kunopfuta kunge moto kuchapedza vavengi vaMwari.28Munhu wese waichora mutemo waMozisi waipfa asinganzvihwe mutsa kana paita pfakazi dziiri kana dzitatu.29Munofunga kuti murango udoipitsitsa tiniko uchapasiwa munhu anoramba Mwanakomana waMwari, uye anoti gazi rochibvumirano raadoitiwa mutsvene naro, harinai nokabonyo kese achizvidza Mweya wonyasha?30Nokuti tinomuziva iye adoti, “Kutsiva mhwangu, ndicharipira.” Pakamu, “Ishe achatonga vanhu vache.”31Chinhu chinochisa kuwira mumanja yaMwari mupenyu.
32Asi yeukai mazuva yokuthanga mumasure mokuvhenekehwa, mudotsungirira pakuhwa kukuru nomatambudziko,33dzimwe nguwa hamunai kubatiwa zvidonaka muchitambudziwa pamberi povanhu, dzimwe nguwa mudokovana novamwe vaiitihwa zvakarezvo.34Nokuti mudonzvira tsitsi vasungwa, mudotambira norufaro kuti zvidziyo zvenyu zvipambiwe, sezvo manga muchiziva kuti imipa pachenyu munopfuma idonaka uye inogara.35Nokudaro rekai kutaya chivimbo chenyu chinomubairo mukuru.36Nokuti munofanira kuva nokutsungirira kuitira kuti mumasure mokuita kuda kwaMwari mupasiwe chipikihwa.37Nokuti“Kwandosara kanguwa kapfupipfupi,Iye anouya achauyaasingachehwe,38asi adorurama wangu achararama nokutenda,manje kana akadzokera mumasure,mweya wangu haufari naye.”
39Asi hatisi avo vokudzokera kumasure kuti tiparadziwe, asi tiri avo vakutenda kuti vaponese mweya.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014