VAEFESO3
1Nochikonzero chakarechi inini, Phauro, musungwa waKirisitu Jesu nopamusaka povoyamwe marudzi,2ndichigurupira kuti mudonzva kuva kwangu muchengeti wonyasha dzaMwari kwandidoitiwa zvichiitihwa imimi,3kuzivisiwa kwandidoita kuburikidza nokuzarurihwa zvidosvisviwa, sezvandidonyora muchikamu chidiki.4Mukaverenga zvakarezvi muchagona kunzvitsitsa maonero yangu zvidohwanda zvaKhirisitu,5zvanga zvisinai kuzivisiwa kuvanakomana vovanhu vonguwa yokare fanike kuzarurihwa kudoitiwa noMweya kunhumwa dzitsvene novaporofiti vache,6ndomaitikiro yazvidoita, kuti voyamwe marudzi vavewo vaji vonhaka, nonhengo dzomuviri mubodziyo, kuburikidza noNyaya Idonaka.7ndidoitiwa mushumiri woNyaya Idonaka yakarei zvichienderana nochipo chomutsa waMwari chandidopasiwa nokushanda kwomasimba yache.8Ndidopasiwa mutsa wakareyu, apa ndiri mudikidiki pavatsvene vese, kuti ndiparidze kuyamwe marudzi upfumi hwaKhirisitu husingapimike,9nokuisa pachenu kuvanhu vese urongwa hwozvidosvisvika zvidohwandisiwa kwomakore mazinji muna Mwari adosika zvinhu zvese;10kuti kuburikidza nokherekhe uchenjeri hudosiyana siyana hwaMwari huzikane kuvatongi nokumasimba yari kunzvimbo dzokudenga.11Zvakarezvi zvinoenderana nochinangwa chokusingapere chaadozazisa muna Khirisitu Jesu Ishe wedu,12maari ndimo matinokushinga nochivimbo chokupinda kuburikidza nokutenda kwedu maari.13Saka ndinokukumbirai kuti mureke kupera mwoyo nopamusaka pokutambudzika kwangu nokuda kwenyu, kunova kubhwinya kwenyu.14Nochikonzero ichochi ndinopfugama pamberi paBaba,15kubva kwaari mhuri dzese kudenga nopanyika dzinotenzewa mazita yadzene,16kuti akusimbisei mumunhu womukati muchiva nosimba kuburikidza noMweya wache zvichienderana nokupfuma kuri mukubhwinya kwache,17futi kuti Khirisitu agare mumwoyo menyu kuburikidza nokutenda, kuti imipa, muite midzi nokujirichira murudo,18kuti pabodzi novatsvene muve nosimba rokunzvitsitsa kuphanyuka, nokutambarara, nokukwirira, nokunoka kworudo raKhirisitu,19nokuziva rudo rinokunda ruzivo, futi kuti muzaziwe nokuzara kwese kwaMwari.20Zvino kuna iye anogona kuita nosimba rinoshanda matiri zvidokungudza zvidopindiridza kukunda zvese zvatinokumbira kana zvatinofunga,21kwaari mbakuve nokubhwinya mukherekhe nomuna Khirisitu Jesu munguwa dzese, nokusingaperepere. Ameni.
The Word for the World International