1 Johwani3

1Onai kukura kworudo ratidopasiwa naBaba, rokuti tiitiwe vana vaMwari! Izvozvi ndizvo zvatiri peno! Chikonzero chinoita kuti nyika isaye kutiziva nyhokuti hainai kumuziva iye.2Hama dzinodiwa, izvozvi tiri vana vaMwari, futi hazvinati zvanangidziwa kuti tichava vadoita tini. Asi tinoziva kuti Khirisitu paanooneka, tichafanana naye, ndava tichamuona sezvaadoita chaizvo.3Wese anotariro yakarei maari anozvichenesa fanike machenero yaadoita.
4Wese anoita zvitadzo anomurandu wokuchora mutemo, chitadzo nghuchora mutemo.5Munoziva kuti iye adooneka kuti abise zvitadzo, maari hamunai chitadzo.6Hapanai anogara maari anoramba achimbondoita zvitadzo. Hapanai anoramba achimbondotadza kana adomuona kana kumuziva.
7Hama dzinodiwa, rekai kutsambutsiwa noumwe munhu. Uyo anoita zvidorurama adorurama, fanike iye adorurama.8Uyo anoita zvitadzo ngwajabhurosi, ndava jabhurosi wanga achindoita zvitadzo kubva pakuthanga. Chikonzero Mwanakomana waMwari chaadonangidzihwa pachenu nyhokuti aparadze mabasa yajabhurosi.
9Hapanai adozvahwa naMwari anoramba achitadza, ndava mbeu yaMwari inogara maari, anokonaba kutadza ndava adozvahwa naMwari.10Ndipo panomutsauko watinoziva nawo vana vaMwari novana vajabhurosi. Wese asingaite zvidorurama haazi mwana waMwari, futi naiyewo anozonda hama yache.
11Ndava rakareri ndiro shoko ramudonzva kubva pakuthanga, rokuti tinofanira kudanana.12Aikona kuita kunge Khaini wanga ari woadoipa, futi adopunza munin'ina’ina wache. Ko adomupunzirei? Adomupunza nondava yokuti mabasa yache pachake yanga yadoipa asi yomunin'ina wache yanga yadonaka.
13Hama dzinodiwa, rekai kushamisika kana nyika ichikuzondai.14Tinoziva kuti tabirika kubva muipfa tichienda muupenyu, ndava tinoda hama. Wese asinai rudo anogara muipfa.15Wese anozonda hama yache imhondi, futi munoziva kuti hapanai mhondi inoupenyu husingapere.16Yakareya ndomaziviro yatinoita rudo, kuti Jesu Khirisitu adopasa upenyu hwache pamusaka pedu. Naisisuwo tinofanira kupereka upenyu hwedu nokuda kwohama.17Kana munhu anozvinhu zvinobatsira akaona hama yache isinai, akareka kumunzvira tsitsi, rudo raMwari ringagare tini mumunhu wakareyo?18Vana vadiki, mbatirekei kuda nomazvi kana nokundonyaira basi, asi mbapave nozviito nochokwadi.
19Aya ndomaziviro yatingaite kuti tiri muchokwadi, nokudekhadza mwoyo yedu pamberi pache,20pese patinopasiwa mhosva nomwoyo yedu, tinoziva kuti Mwari mukuru kukunda mwoyo yedu, futi anoziva zvinhu zvese.21Hama vadiwa, kana mwoyo yedu dzisingatipase mhosva, tinochivimbo pamberi paMwari,22futi tinotambira kubva kwaari zvese zvatinoruvira, ndava tinochengeta murairo wache tichiita zvinomufadza.23Futi uyu ndiwo murairo wache, wokuti titende kuzita roMwanakomana wache, Jesu Khirisitu, futi kuti tidanane sezvaadotiraira.24Vese vanochengeta mirairo yache vanogara maari naiye mavari. Nozvakarezvi tinoziva kuti anogara matiri noMweya waadotipasa.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014