1 Johwani4

1Hama dzangu, rekai kutenda mweya yese yese, asi edzai mweya kuti muzive kana iri yaMwari. Ndava vaporofiti vazinji vomabhwodo vadopinda munyika.2Zvakarezvi ndizvo zvamunoziva nazvo Mweya waMwari, mweya wese unopfakaza kuti Jesu Khirisitu adouya panyama ndiye Mweya anobva kuna Mwari,3asi mweya wese usingapfakazire Jesu haubve kuna Mwari. Wakareyo ndiwo mweya mupikisi waKirisitu, wamudonzva kuti uchauya, kana naipopano watova munyika.
4Imi vana, muri vaMwari, futi mudovakunda, ndava uyo ari mamuri adokuritsa kukunda ari munyika.5Ivo mbonyika ndosaka vachinyaira zvomunyika, futi nyika inovatetekera.6Tiri vaMwari. Wese anoziva Mwari anotitetekera, asi wese asingabve kunaMwari anotitetekeraba. Tinoziva nozvakarezvi kuti Mweya wochokwadi nomweya womabhwodo ngupi.
7Hama dzangu, mbatidananei, ndava rudo runobva kuna Mwari. Wese anorudo adozvahwa naMwari, futi anoziva Mwari.8Wese asingade anozivaba Mwari, ndava Mwari rudo.9Munozvakarezvi rudo raMwari ridonangidziwa pakati pedu, kuti Mwari adotumira panyika Mwanakomana wache mubodzi, kuti tirarame kuburikidza naye.10Rakareri ndiro rudo, aikona kuti tidoda Mwari, asi kuti iye adotida ndokutuma Mwanakomana wache kuti ave chibairo chozvitadzo zvedu.
11Hama dzangu, sezvo Mwari adotiditsa daipa, tinofanira kudananawo pakati pedu.12Hapanai adomboona Mwari, asi kana tikava norudo pakati pedu, Mwari anogara matiri futi rudo rache rinozazisiwa matiri.
13Nozvakarezvi tinoziva kuti tinogara maari naiye anogara matiri, ndava adotipasa Mweya wache.14Futi tidoona ndokupasa upfakazi hwokuti Baba vadotuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponisi wonyika.15Munhu wese anopasa upfakazi hwokuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari, naiyewo muna Mwari.16Saka tinoziva futi tinotenda rudo raMwari kwatiri.
Mwari rudo, uyo anogara murudo anogara muna Mwari naMwari anogara maari.
17Munozvakarezvi rudo rinozazisiwa pakati pedu, kuti tive nochivimbo pazuva rokutongewa, ndava fanike zvaadoita iye ndizvo zvatidoitawo panyika ino.18Hapanai kucha murudo, asi rudo ridokwana rinodzingidza kucha. Ndava kucha kunochokuita nokutongewa. Wese anocha haanai kukwana parudo.
19Tinoda nokuti adothanga kutida.20Kana umwe munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” achizonda hama yache, anobhwodoka, ndava uyo asingade hama yache yaanoona, haangade Mwari waasinai kuona.21Futi murairo wakarewu tidoupasiwa naye, wokuti uyo anoda Mwari mbaadewo hama yache.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014