VaHebheru8
1Zvino zvatiri kunyaira chaizvo panozvakarezvi nzvizvi, tinomupirisita Mukuru, iye adogarikika kujanja roruji roMupando woUkuru kudenga.2Ndiye mushumiri woimba itsvene, nowoimba yaMwari yochokwadi isinai kuisiwa nomunhu asi naMwari.3Nokuti muphirisita mukuru umwe noumwe adogadziwa kuti apereke kuna Mwari zvipo nozvibairo, nokudaro zvidokodzera kuti muphirisita iyeyuwo awane chokupereka.4Zvino dai wanga ari panyika, anga dai asinai kuva muphirisita zvachose, nokuda kwokuti vaphirisita varipo vanopa zvipo sezvinorehwa nomurairo.5Ivo vanoshumira mufananidzo nomumvurimvuri woimba yaMwari yokudenga, nokuti Mozisi paanga wakuda kuita imba yaMwari, adokohomedzewa naMwari, achiti, “Ona kuti wanhadzira zvese maererano nonzira yozvaudonangidziwa mugomo.”6Asi sezvazviri, Khirisitu adowana ushumiri hudonyanyitsa kunaka kukunda hwokare nokuti sungano yaanoreverera idonaka idosimbisiwa nozvivimbiso zvidonakitsa.7Nokuti kana dai chibvumirano chokuthanga changa chisinai chachinonenedzehwa, panga dai pasinai nzvimbo yochibvumirano chochipiri.8Nokuti anowana mhosva kwavari paanoti,“Mazuva yachauya, ndizvo zvinonyaira Ishe,pandichaita chibvumirano chitsva noimba yaIzirairi uye noimba yaJudha,9chisinai kufanana nochibvumirano chandidoita nomadzibaba vavopazuva randidovabata nojanja ndichivabiritsa munyika yoIjipiti,nokuti havanai kuramba vari muchibvumirano changu,naizvozvo inini handinaiwo kuita hanya navo, ndizvo zvinonyaira Ishe.10Ichi, ndicho chibvumirano chandichaita noimba yaIzirairimumasure momazuva yakareyo, ndizvo zvinonyaira Ishe,Ndichaisa mirairo yangu mupfungwa dzavo,nokuinyora mumwoyo yavo,uye ndichava Mwari wavoivo vachava vanhu vangu.11Hapanai achadzidzisa mabiyachekana hama yache achiti,‘Ziva Ishe,’nokuti vese vachandiziva,kubva kumudiki kusvikira kumukuru.12Nokuti ndichava nomutsa nokuda kwounyangadzi hwavo,uye handichadzorangarira zvitema zvavo.”13Mukunyaira pamusoro poChibvumirano Chitsva anobata Chibvumirano Chokare sechidosakara. Uye chinhu chaakusakara nokuchembera chaakunyangarika.
The Word for the World International