VaKorose3

1Zvino kana mudomutsiwa pabodzi naKhirisitu, tsvagai zvinhu zviri kumusoro, kuna Khirisitu, adogarikika kujanja roruji raMwari.2Fungai zviri kumusoro, aikona kuzvinhu zviri panyika.3Nokuti mudopfa, uye upenyu hwenyu hudovikhiwa pabodzi naKhirisitu muna Mwari.4Kana Khirisitu iye anova upenyu hwedu paachaoneka, pakarepo naimimiwo muchaoneka pabodzi naye mukubhwinya.
5Naizvozvo bayai zvinhu zvomunyika zviri mamuri zvinoti: upombwe, notsambwa, nokuchiva, nokuda zvidoipa, nonhafu ndiko kunamata zvifananidzo.6Nokuda kwozvakarezvi ukari hwaMwari huri kuuya.7Zvinhu izvozvi imimi maimbofamba mazviri kare, pamairarama mazviri.
8Asi manje biritsai zvese zvinoti: ukari, kugumbuka, kuzonda, kutukana, nokutaura zvidofumuka nomuromo wenyu.9Rekai kubhwodokerana, nokuti mudobiritsa unhu hwokare nomabasa yahwene,10mudosimira munhu mutsva, ari kuvandudziwa pakuziva, kuti afanane noMusiki wache.11Pano hapachinai muGiriki nomuJudha, adochecheudziwa noasinai kuchecheudziwa, mutohwa kana nyamungu, muranda kana adosununguka, asi Khirisitu ndiye zvese, uye ari munovese.
12Nokudaro sevanhu vadosarudziwa naMwari, vatsvene novanodiwa, simirai mwoyo unotsitsi, unyoro, kuzvideredza, kupfava nomwoyo murefu,13muitirane mwoyo murefu, muchiregererana kana umwe watadzira umwe, sekuregerehwa kwamudoitiwa naIshe, naizvozvo munofanira kuregerera.14Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana.15Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda.16Shoko raKhirisitu mbarigare mukati menyu noupfumi hwarene hwese, dzidzisanai nokurairana nouchenjeri hwese, uye nomapisarema nozvimbo zvomweya imbirai Mwari nokutenda mumwoyo yenyu.17Uye zvese zvamunoita, kana zviri zvoshoko kana basa, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchitenda Mwari Baba kuburikidza naye.
18Vakadzi, zviisei pasi povarume venyu sezvinofanira muna Ishe.
19Varume, idai vakadzi venyu, rekai kuvaitira ukari.
20Vana, teererai vabereki venyu muzvinhu zvese nokuti ndizvo zvinofadza Ishe.
21Madzibaba, rekai kugumbura vana venyu, kuitira kuti vareke kuwodzewa mwoyo.
22Varanda, teererai atenzi venyu vopanyika pazvinhu zvese, rekai kundoshanda chete pamunenge muchionewa kunge vafadzi vovanhu, asi zviitei nomwoyo udorurama, muchicha Ishe.23Zvese zvamunoita shandai nomwoyo wese, semuri kushandira Ishe musingaitire vanhu,24muchiziva kuti kubva kunaIshe muchapasiwa mubairo wonhaka ndava ndiIshe Khirisitu wamuri kushandira.25Nokuti anoita zvidoipa achapasiwa zvidoipa zvaadoita, uye hapanai rusaruro.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014