VaKorose4

1Anatenzi, batai varanda venyu zvabhwino uye zvidofanira, muchiziva kuti naimimiwo muna Tenzi ari kudenga.
2Rambai muchishingirira pakunamata, muchigara pakuri nokutenda,3uye mutinamatirewo isisu kuti Mwari atipase mukana woshoko, kuti tizivise chidosvisvika chaKhirisitu, chinova chandidosungihwa,4kuti ndichiise pachenu sezvandinofanira.
5Zvichenjererei pamugariro wenyu novasingatende, shandisai mukana wenyu zvidochenjera.6Kunyaira kwenyu mbakuve nomutsa nguwa dzese, kunobuya kuitira kuti muzive kuti munofanira kupindura tini umwe noumwe.
7Tikikasi achakunyepai pamusoro pozvese zviri kuitika kwandiri, iye ihama yatinoda uye mushumiri adotendeka nomuranda pabodzi nainipano muna Ishe.8Ndamutuma kwamuri nochinangwa chakarechi, chokuti muzive kuti tiri tini, uye kuti akurudzire mwoyo yenyu,9pabodzi naOnesimosi, hama idotendeka inodiwa, anova umwe wenyu. Ivo vachakunyepai zvese zviri kuitika kwakarekuno.
10Arisitakasi musungwa biyangu anokumoresai, naMariko hama yaBhanabhasi wamudonyepewa pamusoro pache, kana wauya kwamuri mutambirei,11naJesu anodaidziwa kuti Jusito. Vakareva ndivo basi varume vochiJudha pakati povashandi biyangu voumambo hwaMwari, ivo vanondinyaradza.
12Epafurasi, anova mabiyenyu, muranda waKhirisitu Jesu, anokumoresai, anoramba achikuyeukai chaizvo nguwa dzese muminyengetero yache, kuti mumire mudosimba muchiziva chaizvo kuda kwaMwari.13Nokuti ndinopfakaza kuti adoshanda nosimba nokuda kwenyu novari muRaodhisiya nomuHiraporisi.14Ruka chiremba anodiwa naDhimasi vanokumoresai.
15Ndimoresereiwo hama dziri paRaodhisiya, naNimufa nokherekhe iri mumba mache.16Futi kana tsamba rakareri raverengewa pakati penyu, mbariverengewewo pakamu mukherekhe yopaRaodhisiya, uye onai kuti maverengawo tsamba rinobva kuRaodhisiya.17Nyepai Akipasi muchiti, “Ona kuti wazazisa ushumiri hwaudopasiwa naIshe nokuhupedzisa.”18Inipano, Phauro ndanyora nojanja rangu kumoresa kwakareku. Yeukai kusungiwa kwangu. Mutsa mbauve nemi.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014