1 VaThesaronika4
1Pakupedzisira, hama, tinokumbiritsa nokukutetererai muna Ishe Jesu, kuti sezvamudodzidza kwatiri magariro yamunofanira kuita nokufadza Mwari, sezvamuri kundoita, nyanyitsai kuita zvakarezvo.2Nokuti munoziva kuti kuraira kwatidokupasai pamusoro paIshe Jesu nghupi.3Nokuti ikoku ndiko kuda kwaMwari, kuva kwenyu noutsvene, kuti mutsemberefuti upombwe,4kuti umwe noumwe adzidze kuzvibata panyama yache muutsvene futi zvinoremekedzeka,5aikona mukubatiwa nokuchiva kunge vadotaika vasingazive Mwari,6kuti pareke kuva noanotadzira hama yache pachinhu chakarechi kana kuita dzawira mutsvanda kuhama kana hanzvadzi. Ndava Ishe ndiye mutsiidzi pazvinhu zvese zvakarezvi, sezvatidogara takuchenjedzai zvidosimba.7Nokuti Mwari haanai kutidaidzira kuutsambwa, asi kuupenyu hutsvene.8Naizvozvo wese anoshora zvakarezvi, anoshoraba munhu asi Mwari, anopasa Mweya Mutsvene wache kwamuri.9Zvino pamusoro pokuda hama hapanai wamungade kuti akunyorerei, ndava imimi pachenyu mudodzidzisiwa naMwari kuti mudanane,10futi ndizvozvo chaizvo munoda hama dzese kuMakedhoniya kwese. Asi hama tinokukurudzirai, kuti muite daipo muchitoingidzira pakare,11kuti mude kugara mudodekhara, muchifunga pamusoro pozvinhu zvenyu mega basi, nokushanda nomanja yenyu, sezvatidokurairai.12Kuti pakurarama kwenyu muzvitorere kuremekedzewa novokunze, futi musingavimbe noumwe munhu.13Asi hama, tinodaba kuti musaye nzeru pamusoro povaye vadopfa, kuti mureke kuita maririro yanenge yovamwe vasinai tariro.14Nokuti tinotenda kuti Jesu adopfa ndokumuka pakamu, ndomwenzewo kamu, kuburikidza naJesu, Mwari achaunza vadopfa maari pabodzi naye.15Nokuti tinokunyepai zvakarezvi noshoko raIshe, kuti isisu vapuma, vadosara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatithangire vaye vadopfa.16Nokuti Ishe pachake achaburuka kubva kudenga achidaidzira nokuraira, nokusheedzera kwongirozi ikuru, nokurira kwotsuri yaMwari. Ipopo vadopfa muna Khirisitu vachathanga kumuka,17zvino isisu tidosara tiri vapuma, tichabvutiwa pabodzi navo kupinda mumakuti kuti tikumane naIshe mumhepo. Saka tichava naIshe nguwa dzese.18Naizvozvo nyaradzanai nomashoko yakareya.
The Word for the World International