1 VaThesaronika3

1Naizvozvo patidotadza kutsungirira pazviri, tidoda kusiiwa tega paAtene,2futi tidotuma Timoti, hama yedu nomuranda waMwari muvhangeri raKhirisitu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu,3kuti pareke kuva noanozunguziwa nomatambudziko yakareya. Imipa pachenyu munoziva kuti tidotemehwa zvakarezvi.4Nokuti pataiva naimimi, tidogara takunyepai kuti taidzodzimbiwa nomatambudziko, fanike zvidodzoitika, futi sezvamunoziva.5Nochikonzero chakarechi, pandanga ndichakonaba kushingirira, ndidomutuma kuti ndizive kutenda kwenyu, nokuti ndaichira kuti dzimwe nguwa muedzi adokuedzai ndokukonzera basa redu kuti rive pasina.
6Asi zvino Timoti paadouya achibva kwamuri, adotiunzira nhau dzidonaka dzokutenda kwenyu norudo futi adotiudza kuti munombondotifunga uye muchisuva kutiona, sezvatinosuvawo kukuonai.7Nochikonzero chakarechi, hama, pakushushikana kwedu kwese nokutambudzika tanga tichinyaradziwa pamusoro penyu kuburikidza nokutenda kwenyu,8nokuti zvino tinorarama, kana mukamira mudosimba muna Ishe.9Tingatende tini Mwari zvidokwana nondava yenyu nokuda kwomufaro watinawo pamberi pache pamusaka penyu?10Tinonamata zvidoperera masikati nousiku kuti tikuonei pakare nokukupasai zviri kusaika mukutenda kwenyu.
11Zvino dai Mwari wedu ivo Baba pachavo, naIshe wedu Jesu, watungamirira nzira yedu kwamuri.12Dai Ishe waita kuti rudo renyu rikukumuke nokupfachukira pakati penyu nokuvanhu vese, kunge zvatinoita kwamuri.13Dai Ishe wasimbisa mwoyo yenyu kuti musaye chamunonenehwa muri vatsvene pamberi paMwari naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu novatsvene vache vese.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014