1 Johwani5
1Wese anotenda kuti Jesu ndiKhirisitu wakareyo adoberekewa naMwari, nowese anoda mubereki anodawo mwana.2Tinoziva nozvakarezvi kuti tinoda vana vaMwari, kana tichida Mwari nokutetekera mirairo yache.3Nokuti rakareri ndiro rudo raMwari, kuti tichengete mirairo yache. Futi mitemo yache haireme.4Ndava wese adozvahwa naMwari anokunda nyika. Uku ndiko kukunda kunokunda nyika iko kutenda kwedu.5Mbani anokunda nyika, kana asiri iyeyo anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?6Iyeyu ndiye adouya nomvura nogazi, Jesu Khirisitu, haanai kundouya nomvura basi, asi adouya nomvura nogazi. Futi Mweya ndiye anopfakaza, nokuti Mweya ndiye Chokwadi.7Nokuti pano zvitatu zvinopfakaza.8Mweya, mvura nogazi, zvitatu zvakarezvi zvinotenderana.9Kana tichitambira upfakazi hwovanhu, upfakazi hwaMwari mbukuru kukunda hwovanhu, ndava upfakazi hwache ndohuye hwaadopfakaza pamusoro poMwanakomana wache.10Wese anotenda muMwanakomana waMwari anenge achitotambira upfakazi hwakarehu. Wese asingatende Mwari anomuita womabhwodo, ndava haanai kutenda upfakazi hudopasiwa naMwari pamusoro poMwanakomana wache.11Futi uhu ndihwo upfakazi hwokuti, Mwari adotipasa upenyu husingapere. Upenyu hwakarehu huri muMwanakomana wache.12Wese ano Mwanakomana anoupenyu, asi wese asinai Mwanakomana waMwari haanai upenyu.13Ndiri kunyora zvakarezvi kwamuri vanotenda muzita roMwanakomana waMwari kuti muzive kuti munoupenyu husingapere.14Kwakareku ndiko kuvimba kwatinako maari, kuti kana tichikumbira chinhu chipi zvachene chinoenderana nozvaanoda, anotinzva.15Futi tikaziva kuti anotinzva panozvese zvatinomuruvira, tinoziva kuti tava nozvese zvatinokumbira.16Wese anoona hama yache ichiita chitadzo chisingakonzere ipfa, mbaamunamatire, futi Mwari achamupasa upenyu hunopasiwa avo vanoita zvitadzo zvisingakonzere ipfa. Panochitadzo chinokonzera ipfa, ndinonyairaba kuti anamate pamusoro pochakarecho.17Kunyangadza kwese ndicho chitadzo, asi kunochitadzo chisingapinze muipfa.18Tinoziva kuti wese adozvahwa naMwari haarambe achitadza, asi uyo adozvahwa naMwari, anochengetedzewa naye, adoipa haagone kumukanganisa.19Tinoziva kuti tiri vache Mwari, futi kuti nyika yese iri pasi posimba roadoipa.20Futi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari adouya kotipasa kunzvitsitsa, kuitira kuti timuzive iye anova chokwadi, futi tiri maari iye anova chokwadi, muMwanakomana wache Jesu Khirisitu. Ndiye Mwari wochokwadi noupenyu husingapere.21Vana vadiki, zvichengetei kubva kuzvifananidzo.
The Word for the World International