VaRoma14

Reka Kutonga Vamwe

1Tambirai asinai kusimba pakutenda, musingapikisi mafungiro yache.2Kutenda kwoumwe kunomubvumira kuja zvese, asi anokutenda kusinai kusimba anondoja muriwo basi.3Anoja zvese mbaareke kuzvidza asingaje, noasingaje mbaareke kutonga anoja, ndava Mwari adomutambira.4Anga iwepa ndiwe yani kuti utonge muranda womuridzi? kuna Ishe wache anomira kana kuwa. Achamira, ndava Ishe wache anogona kumumisa.
5Umwe anoona rimwe zuva kunge ridokosha kukunda rimwe; asi umwe anoona mazuva yasinai chayadosiyana. Munhu wese mbaave nochokwadi chopfungwa dzache wega.6Anoona rimwe zuva kunge ridokosha kukunda yamwe, anozviitira Ishe. Anoja anojira Ishe ndava anopasa nhendo kuna Mwari, noasingaje anorekera Ishe achitenda Mwari nazvo.7Ndava hapanai wedu anozviraramira iye pachake, futi hapanai wedu anozvipfira iye pachake.8Kana tichirarama, tinoraramira Ishe, kana tichipfa tinopfira Ishe. Saka kurarama kana kupfa tinenge tichindova vaIshe basi.9Nochikonzero chakarechi, Khirisitu adopfa ndokuva mupenyu kamu, kuitira kuti ave Ishe wovese vadopfa novapenyu.10Anga manje iwepa unotongerei hama yako? Kana kuti unozvidzireiko hama yako? Ndava tese tichamira pamberi pochigaro chaMwari chokutonga.11Zvidonyohwa kuti: Ishe vanoti,“Chokwadi, noupenyu hwangu,ibvi rese richandipfugamira,nochirimi chese chichabvuma kuti ndini Mwari.”
12Saka umwe noumwe wedu achazvidairira wega kuna Mwari.

Reka Kupiya Vamwe Kuti Vawe

13Nokudaro mbatirekei kutongana. Panzvimbo yokutongana, mbativei nopfungwa yokureka kuisira hama chigutsa munzira yache.14Inini semunhu ari muna Ishe Jesu ndino chokwadi kuti chokuja sezvachiri, hapanai chidosvipa. Asi kana munhu akachiti chidosvipa, kumunhu wakareyo ndiko kwachidosvipa.15Kana hama yako ichikanganisiwa nochaunoja, kureva kuti zvauri kuita hazvichinai rudo. Kuja kwako mbakureke kubaya hama yako idopfihwa naKhirisitu.16Reka kutendera kuti chaunoti chidonaka, chidzotohwa sechidonyangara.17Ndava Umambo hwaMwari hakusi kuja nokumwa, asi nghururama, norunyararo nomufaro muMweya Mutsvene,18ndava wese anoshumira Khirisitu nonzira yakarei anofadza Mwari achiremekedzewa novanhu.
19Saka nopatinogona napo mbatiedzei kuita zvinouyisa runyararo nokuvakhana.20Rekai kuparadza basa raMwari nondava yokuja. Zvokuja zvese zvidochena, asi zvidoipa kuti munhu aje chinhu chinokonzera umwe kuwa.21Hasa kutoreka kuja nyama kana kumwa waini kana kuita chipi zvachene chinokonzera hama kuwa.22Saka chese chaunotenda panozvakarezvi mbachive pakati pako naMwari. Adokomborehwa munhu anohana isingamupase mhosva pachinhu chaanoti chidonaka.23Kana munhu akaja achitsakidza, watova nomhosva, ndava kuja kwacheko kuri kubvaba pakutenda, ndava zvese zvisingabve pakutenda, chitema.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014