Judhasi1

1Judhasi, muranda waJesu Khirisitu, anova mukoma nomunin'ina’ina naJakobho.
Kuno vadodaidziwa, vanova vadikani muna Mwari Baba novadochengetehwa Jesu Khirisitu.
2Dai tsitsi, norugare, norudo zvaingidzihwa kwamuri.
3Vadikani, ndaiditsa kuti ndikunyorerei pamusoro poruponiso redu ratinoziva, ndidodzoona zvidonaka kukunyorerai ndichikukurudzirai kuhwira kuchengetedza kutenda kudopasiwa kabodzi basi kuvatsvene.4Nokuti panovadoverevedza ndokuerekana vava pakati penyu, ivovo vadogara vapasiwa kare kutongewa kwakareku kudonyohwa, mbanhu vasinai umwari vanomonyorora mutsa waMwari wedu vachiuita unosvaira vanhu kurarama nonzira isinai kuzvibata, vachiramba iye wega Tenzi wedu naIshe Jesu Khirisitu.
5Kunyange maiziva zvakarezvi zvese, ndinoda kundokufungisai kuti panonguwa iyo Ishe paadonunura vanhu vache kubva kuIjipiti, asi mumasure mozvakarezvo adoparadza vaye vasinai kutenda.6Naidzo ngirozi futi dzisinai kuchengeta nzvimbo yadzene youkuru, asi dzidosiya nzvimbo chaiyo yadzene, adodzidira pamisungo yorima yokusingapere, kusvikira pakutongewa kwozuva rikuru.7Ndomwenze Sodhoma noGomora pabodzi nomaguta yadopoteredza, yadoita kunge ngirozi dzokaredzi, zvinonyangadza zvibodzibodzizvo zvoupombwe muenzaniso wovachatongewa nokudzotambudziwa nomoto wokusingapere.
8Nonzira ibodzibodziyo, vanhu vakareva mukurota kwavo vanosvipisa miviri yavo, vanoramba ukuru pakare vachishora vaye vanokubhwinya.9Asi kana Mikaeri, ngirozi ikuru, paanga achipikisana naJabhurosi pamusoro pochitunha chaMozisi, haanai kumutukana, asi adondoti kwaari, “Ishe mbaakudzume.”10Asi vanhu vakareva vanotukana zvese zvavasinganzvitsitse, futi vanoparadziwa nozvinhu zvavanotorera pamusoro, fanike zvinoitiwa nomhuka.11Nhamu kuno vakareva! Vadotetereka nonzira yaKhaini, vadosiya gwara ndokupinimidzira mubairo vachitaika fanike Bharamu, vadoparadziwa mukupanduka kwaKhora.12Vanhu vakareva vadosvipa pamitambo yenyu yokuwadzana. Pavanoja pabodzi naimimi vasingache, vanondozviitira hanya pachavo. Vakareva makuti yasinai mvura yanondogwididzihwa noduthu, miti yochirimo isinai michero, idodzuriwa ndokupfa kairi,13vadofanana nomapfeni yomvura yomugungwa yanopenga, vanonangidza kufumuka kwavo. Vadofanana nonyenyedzi dzinotizira dzonyangarika, vakareva vadochengetehwa rima nokusingapere.
14Nondava yovakarevo Inoki wochinomwe kubva pana Adhamu adoporofita pamusoro pavo achiti, “Onai, Ishe ari kuuya nozviuru zvozviuru zvovatsvene vache,15kudzotonga vese nokukomwesa vese vasinai umwari hwavadoita mukusaya umwari kwavo, nokuita zvinosora ukari pakusaya umwari kwovatadzi vadotaura zvokupikisa Mwari.”
16Vanhu vakareva mbanyunyuti vanoshora vamwe, vasingagutsikane vanotevera zvido zvavo, vanopamuromo vachizvikudza vanoita tsvete kunovamwe kuti vawane zvavanoda.
17Asi hama, munofanira kuyeuka, zvinhu zvidogara zvatauhwa nonhumwa dzaIshe wedu Jesu Khirisitu,18vadoti kwamuri, “Panguwa yokupedzisira, kuchava novashori, vachatevera zvido zvomwoyo yavo zvisinai umwari.”19Ndivo vanhu vanokupesanisai, mbanhu vonyika vasinai Mweya.20Asi imimi, vadikani, zvivakhei mukutenda kwenyu kutsvene, munamate muMweya Mutsvene,21muzvichengete murudo raMwari pamunenge muchimirira tsitsi dzaIshe wedu Jesu Khirisitu kuti dzikuisei kuupenyu husingapere.
22Ivai notsitsi kuno vanotsakidza,23ponesai vamwe, muchivabvuta mumoto, vamwe muvanzvire tsitsi muchicha, asi muchitozonda nombacha dzidotindivadziwa nonyama.
24Kuna iye anogona kukuchengetai kuti mureke kumbwera nokukusvitsai pakubhwinya kwache musinai chinoshoreka muno mufaro,25kuna Mwari wega, Muponisi wedu kuburikidza naJesu Khirisitu Ishe wedu, mbakuve nokubhwinya, ukuru, utongi, nomasimba, kubvira nguwa isati yavapo izvozvi nokusingapere. Ameni.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014