3 Johwani1

1Kubva kumukuru
Kumudikani Gaiyasi, wandinoda pachokwadi.
2Mudikani, ndinonamatira kuti zvese zvikutekairire zvidonaka sematekairiro yadonaka yazviri kuita kumweya wako.3Nokuti ndidopasiwa mufaro udokungudza padouya vamwe vatendi vachipfakaza pamusoro pomatendekero yaudoita kuchokwadi, vachinyaira kuenderera mberi kwako uchitekaira machiri.4Handinai mufaro mukuru unokunda wakareyu, kunzva kuti vana vangu vari kurarama muchokwadi.
5Mudikani, chinhu chidotendeka chauri kuitira hama, zvidonyanya kunaka kana uchizviitira varendo.6Vadopfakazira rudo rako pamberi pokherekhe. Ndapota gonekanai navo vatekaire munzira yavo nomutoo unoremekedza Mwari.7Ndava vadobirika nokuda kwache uye hapanai chavadotambira kubva kunovasingatende.8Tinofanira kupasa rubatsiro kuno vadodaro kuti tive vanoshanda pabodzi pashoko rochokwadi.
9Ndidonyora tsamba kukherekhe, asi Dhiyotirefasi anoda kuzviita wokuthanga haatitambire.10Saka pandichauya ndipo pandichabiritsa pachenu zvaari kuita, kumwaya mazvi yadoipa pamusoro pedu. Zvisiri zvakarezvi basi, asi anotoramba kutambira vamwe vatendi. Futi adotorambidza vaye vaida kuzviita, ndokutovabiritsa mukherekhe.
11Mudikani, reka kuteedzera zvidoipa asi zvidonaka. Wese anoita zvidonaka ngwaMwari, wese anoita zvidoipa haanai kuona Mwari.
12Munhu wese anonyaira zvidonaka pamusoro paDhimetiriyasi, futi nochokwadi pakare chinonyairawo zvidonaka pamusoro pache, anopfakazihwa zvidonaka novanhu vese.
13Ndino zvokukunyorerai zvidowanda, asi handidi kukunyorerai ndichishandisa penzura noingi.14Ndinotarisira kudzokuona tsotsono, tonyairirana chiso nochiso.
15Rugare mbarive newe.
Shamwari dziri kuno dziri kukumoresa. Moresa shamwari dzese kwakareko.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014