1 VaThesaronika1

1Phauro, naSirivhanasi, naTimoti.
Kukherekhe yovaThesaronika, muna Mwari Baba naIshe Jesu Khirisitu.
Mutsa norugare mbazvive kwamuri.
2Tinopasa kutenda kuna Mwari nguwa dzese nokuda kwenyu mese, patinombondotaura pamusoro penyu muminamato yedu,3patinorangarira pamberi paMwari Baba vedu, basa renyu rokutenda nokushanda kworudo nokutsungirira kwotariro muna Ishe wedu Jesu Khirisitu.4Hama dzinodiwa naMwari tinoziva, kuti adokusarudzai,5nokuti vhangeri redu harinai kuuya kwamuri mumashoko basi, asi mumasimba nomuMweya Mutsvene pakare nokuuyisa kugutsikana kuzere. Munoziva kuti tanga tiri vanhu vadoita tini pataiva pakati penyu tichizviitira imimi.6Futi mudova vateedzeri vedu novaIshe, nondava yokuti mudotambira shoko mukutambudzika kukuru, muno mufaro udofemehwa naMweya Mutsvene,7zvokutoti mudova muenzaniso kuvatendi vese vomuMasedhoniya nomuAkaya.8Nokuti shoko raIshe harinai kundonzvika kubva kwamuri richienda kuMakedhoniya nokuAkaya basi, asi kutenda kwenyu muna Mwari kudoenda kwese kwese, zvokutoti panodiwaba kuti tinyaire chinhu.9Nokuti ivo pachavo vanonyaira pamusoro pomatambiriro yamudotiita, nomapindukiro yamudoita kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo, kuti mushumire Mwari mupenyu nowochokwadi,10futi kuti mumirire Mwanakomana wache kubva kudenga, waadomutsa kubva kuvadopfa, iye Jesu anotidzikinura kubva kuukari hunouya.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014