2 Timoti1

1Kubva kuna Phauro, Nhumwa yaJesu Khirisitu nokuda kwaMwari, maererano nochivimbiso choupenyu huri muna Khirisitu Jesu,
2Kuna Timoti, mwana wangu wandinoda.
Mutsa, notsitsi, norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Khirisitu Jesu Ishe wedu mbazvive kwauri.
3Ndinotenda Mwari wandinoshumira nohana idochena, kunge zvidoitiwa nomadzibaba yangu, pandinokuyeuka muminamato yangu.4Pandinoyeuka misodzi yako, ndinosuva kukuona masikati nousiku, kuti ndizaziwe nomufaro.5Ndiri kufungisiwa kutenda kwako kudoperera, kutenda kudothanga kugara munaambuya vako Roisi nomuna mai vako Yunisi, iye zvino ndinochokwadi kuti kuri mauri.6Nondava yakarei ndinokukurudzira kuti upfutidzire chipo chaMwari, chiri mauri chidouya nokukubata pamusoro kwandidoita.7Ndava Mwari haanai kutipasa Mweya wokucha, asi Mweya wosimba noworudo nowokuzvidzora.
8Saka reka kunyara kuita upfakazi pamusoro paIshe wedu, kana pamusoro pangu inini musungwa wache. Asi batana nainini pakutambudzikira vhangeri nomusimba raMwari,9iye adotiponesera upenyu hutsvene— nokudaidza kutsvene, aikona nondava yozvatidoita, asi nokuda kwochinangwa chache nomutsa waadotipasa karekare muna Khirisitu Jesu.10Iye zvino mutsayo udoisiwa pachenu peno kuburikidza nokuoneka kwoMuponisi wedu, Khirisitu Jesu, adoparadza ipfa ndokuuyisa pachenu upenyu nokusaora, kuburikidza novhangeri.
11Nokuda kwovhangeri rakareri ndidosarudziwa kuva muparidzi nonhumwa nomudzidzisi,12nokudaro ndiri kutambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadzisiwe nozvakarezvi, ndava ndinoziva wandidotenda, futi ndino chokwadi kuti anokona kuchengeta chandidomuchengetesa kusvikira paZuva rakarero.13Tevera muenzaniso womazvi yadonaka yaudonzva kwandiri, mukutenda nomurudo zviri muna Khirisitu Jesu,14chengeta chokwadi chidonaka chidoisiwa mauri noMweya Mutsvene anogara matiri.
15Unozviziva kuti vese vari muEzhiya vadondisiya, pakati pavo pana Figerasi naHemogenesi.16Dai Ishe waitira tsitsi imba yaOnesiforasi, ndava anondimutsiridza kadowanda futi haanai kunyadzisiwa nongetani dzangu17Paadouya kuRoma, adotonditsvagitsitsa kusvikira wandiwana.18Dai Ishe vaita kuti adzowana tsitsi pamberi pache paZuva rakarero. Futi unozivitsitsa ushumiri hwese hwaadopereka paEfeso.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014