1 Vakorinde2

1Hama pandidouya kwamuri, handinai kuuya kwamuri ndichikuparidzirai zvidohwanzika zvaMwari, handinai kushandisa kugona kutaura kwovanhu kana mashoko youchenjeri.2Ndidosarudza kusaziva chimwe chinhu pakati penyu kunze kwaJesu Khirisitu iye adorovehwa pamuchinjikwa.3Pandidouya kwamuri ndanga ndidoneta ndichitetemera nondava yokucha kukuru,4kunyaira kwangu nokuparidza kwangu zvanga zvisiri mumashoko youchenjeri hwokupenzveredza hwokusukumidzira, kunobva pakuchenjera kwovanhu, asi kwokunangidza simba roMweya waMwari.5kuti kutenda kwenyu kureke kutsamira pauchenjeri hwomunhu asi musimba raMwari.
6Asi pakati povakura pamweya tinonyaira shoko rouchenjeri, kana nepo husiri uchenjeri hwanasi kana hwovatongi vanasi, hudomirira kupfuruka.7Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hudosvisvika, hudotemewa naMwari kare nyika isinati yavapo nokuda kwokubhwinya kwedu.8Hapanai mutongi wonguwa ino adozvinzvitsitsa zvakarezvi, ndava dai vadozvinzvitsitsa, vairoveraba pamuchinjikwa Ishe wokubhwinya.9Asi semanyorehwo yazvidoitiwa kuti,“Zvisinai ziso ridoona, kana nzeve idonzva,kana kuthanga kufungika mumwoyo womunhu,ndizvo Mwari zvaadogadzirira vanomuda.”
10Mwari adozvinangidza kwatiri kuburikidza noMweya. Ndava Mweya anonzvera zvese kana zvaMwari zviri gwiri.11Ndava mbani munhu anoziva mifungo yomunhu kunze kwomweya womunhu uri maari? Ndomwenze daro hapanai munhu anoziva mifungo yaMwari kunze kwoMweya waMwari.12Zvino tidotambiraba mweya wonyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tinzvitsitse zvipo zvatidopasiwa pachena naMwari.
13Uye tinotaura izvi mumazvi yasingadzidzisiwe nouchenjeri hwomunhu, asi yanodzidzisiwa noMweya, nokuturikira chokwadi chopamweya kuna ivo vanoMweya.14Munhu asiri womweya anotambiraba zvinhu zvoMweya waMwari, ndava mbudzemwa kwaari, anokonaba kuzvinzvitsitsa ndava zvinotsvagitsitsiwa pamweya.15Munhu womweya anoongorora zvinhu zvese, asi iye pachake anoongororekaba nomunhu.16“Ndava mbani adoziva mufungo waIshe?Mbani angamurairire?”Asi isu tino mufungo waKhirisitu.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014