1 Vakorinde1
1Phauro, adodaidziwa nokuda kwaMwari kuti ave nhumwa waKhirisitu Jesu, nohama yedu Sositenesi.2Kukherekhe yaMwari iri paKorinde, kuno avo vadoyeresewa muna Khirisitu Jesu, vadodaidziwa kuva vatsvene pabodzi noavo vari kwese kwese vanodaidza zita raIshe wedu Jesu Khirisitu, Ishe wavo nowedu:3Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokunaIshe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.4Ndinopasa Mwari kutenda nguwa dzese nokuda kwenyu nondava yonyasha dzaMwari dzamudopasiwa muna Khirisitu Jesu,5ndava pazvese mudopfumisiwa maari pakunyaira kwese nokuziva kwese.6Futi uchapupu hwenyu pamusoro paKhirisitu hudosimbisiwa mamuri,7zvokuti hamunai chamurikusaya pazvipo zvomweya, mudomirira kuratidziwa kwaIshe wedu Jesu Khirisitu.8Uyo achakusimbisai kusvika pamagumo, musinai chinoshoreka pazuva raIshe wedu Jesu Khirisitu.9Mwari adotendeka, iye wamudodaidziwa naye kuruwadzano roMwanakomana wache, Ishe wedu Jesu Khirisitu.10Ndinokukumbiritsai, hama, nozita raIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti mese mubvumirane kuti pakati penyu pareke kuva nokupesana, asi mubatane papfungwa ibodzi nochinangwa chibodzi.11Hama dzangu ndidozvinyepewa novoimba yokwaKhuro kuti pano bopoto pakati penyu.12Zvandiri kureva nzvokuti umwe noumwe wenyu anoti, “Inini ndinotevera Phauro,” kana kuti “Ndinotevera Aporo,” kana kuti “Ndinotevera Kefasi,” kana kuti “Ndinotevera Khirisitu.”13Ko Khirisitu adopatsanuriwa? Ko Phauro adorovehwa nokuda kwenyu? Kana pamwe mudoombekewa muzita raPhauro?14Ndinotenda kuti hapanai umwe wenyu wandidoombeka kunze kwaKhirisipasi naGayosi,15kuti pareke kuva noanoti mudoombekewa muzita rangu.16Ndidoombekawo voimba yaSitefanasi. Hapanai kamu, wandinoziva kuti ndidoombeka.17Ndava Khirisitu adonditumaba koombeka asi koparidza vhangeri, aikona nokugona kutaura, kuti muchinjikwa waKhirisitu ureke kutorehwa simba rawene.18Ndava shoko romuchinjikwa mbudzemwa kuna ivo vari kuparara, asi kwatiri vari kuponesewa isimba raMwari.19Ndava kudonyohwa kuti,“Ndichaparadza uchenjeri hwovadochenjera,noruzivo rovanoziva ndicharisayisa basa.”20Muchenjeri ari poi? Mudzidzisi womutemo ari poi? Nyamhoka wanasi ari poi? Anga uchenjeri hwonyika Mwari adohuitaba udzemwa nai?21Ndava sezvo, muuchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayene idotadza kuziva Mwari, zvidofadza Mwari kuburikidza noudzemwa hwozvatinoparidza kuti aponese vanotenda.22Ndava vaJudha vanopopera minana uye vaGiriki vanotsvaga uchenjeri,23asi isisu tinoparidza Khirisitu adorovehwa, chigutsa chinoguhuna kuvaJudha noudzemwa kuno vasiri vaJudha,24asi kuno vadodaidziwa, vese vaJudha novaGiriki, Khirisitu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari.25Ndava udzemwa hwaMwari hudochenjeretsa kukunda uchenjeri hwovanhu, nokuvhuwa kwaMwari kudosimbitsa kukunda simba rovanhu.26Hama fungai kudaidziwa kwenyu kuti, mbazinjiba vanga vadochenjera maererano nochipimo chonyika, mbazinjiba vanga vano masimba, mbazinjiba vadozvahwa nochiremera.27Asi Mwari adosarudza zvoudzemwa munyika kuti anyadzise vadochenjera, Mwari adosarudza zvidovhuwa munyika kuti anyadzise zvidosimba,28Mwari adosarudza zvidoderera nozvinozvidziwa munyika, izvo zvinhu pasina, kuti asaise basa zvinhu zviripo,29kuti parege kuva nomunhu angazvikudze pamberi paMwari.30Mwari adokuitai kuti muve muna Khirisitu Jesu. Uye Khirisitu adoitiwa naMwari kuti ave uchenjeri hwedu. Khirisitu adotiita kururama, nokuchenesewa uye nokutidzikinura.31Nokudaro, fanike kunyohwa kwazvidoitiwa kuti, “Anoda kuzvirumbidza, mbaazvirumbidze muna Ishe.”
The Word for the World International