VaRoma7

Muenzaniso woKuroorana

1Naimi hama dzangu anga munozivaba nai, ndava ndiri kunyaira kuvanhu vanoziva mutemo, kuti mutemo unondova nosimba kana munhu achiri mupenyu basi?2Semuenzaniso, pamutemo mukadzi adoroorewa adosungiwa kumurume wache kana murumeyo achiri mupenyu, asi kana murume wache wapfa, wasuguduriwa pamutemo wouroodzi.3Zvokuti akaroorewa noumwe murume iye murume wache achiri mupenyu, anonzi ihure. Asi kana murume wache wapfa, wasuguduriwa pamutemo, kana zvache akaroorewa nomumwe, anenge asiri hure.4Saka hama dzangu, kuburikidza nomuviri waKhirisitu imipa mudopfa kumutemo kuti muve voumwe murume, kureva iye adomuka kuvadopfa, kuti tiitire Mwari zvibereko.5Ndava pataitongewa nounhu hwakare kadokwadokwa kokuda kutadza kaimutsiwa nomutemo mumiviri yedu kuti tibereke zvibereko zvoipfa.6Asi zvino nokupfa kwatidoita kunochiye changa chidotisunga, tidosununguhwa kubva pamutemo, kuitira kuti tishumire nonzira itsva yoMweya, aikona nonzira yokare yomutemo udonyohwa.

Mutemo noChitadzo

7Toti chii manje? Mutemo chitadzo nai? Neye, ndava hapanai peno maziviro yandaidzoita kuti ichi chitadzo dai pasinai mutemo udondiudza. Ndaidzozivaba kuti kuchiva huita tini dai mutemo usinai kuti “Reka kuchiva.”8Manje chitema chidowana mukana wachidozururihwa nomutemo, chichibva chaisa mandiri marudzi yese yokuchiva. Ndava pasinai mutemo chitema chinenge chidopfa.9Mutemo usati wauya, ndanga ndiri mupenyu, mutemo paudouya chitema ndicho chidodzova chipenyu, inini ndokubva ndapfa.10Ndidodzoona kuti mutemo wacho wanga udonanga kundipasa upenyu udotondivigira ipfa.11Ndava chitema pachidotora mukana wachidopasiwa nomutemo, chidondinyengedza zvokubva chandibaya kuburikidza nomutemo wakareyo.12Nokudaro mutemo mutsvene, nomurairo mutsvene, futi udonaka.13Anga manje chidonakacho chidodzova ipfa kamu kwandiri? Nenene. Asi kuti chitema chizikane, chidopinza ipfa kwandiri kuburikidza nochidonakacho, kuitira kuti kuburikidza nomutemo, chitema chionekerefuti kunyangara kwachene.

Hondo Iri Matiri

14Tinoziva kuti mutemo ngwomweya; inini ndiri wonyama, ndidotengesewa semuranda kuchitema.15Ndinonzvitsitsaba zvandinoita. Ndava zvandinoda kuita ndizvoba zvandinodzoita, asi zvandinozonda zviye, zvakarezvo ndizvo zvandinoita.16Manje kana ndichiita zvandisingade kuita, ndinobvuma kuti mutemo udonaka.17Saka ndiniba peno ndiri kuzviita, chitema chinogara mandiricho ndicho chiri kuzviita.18Ndinoziva kuti hapanai chidonaka chinogara mandiri, kureva muunhu hwangu hwakare. Ndava ndino chido chokuita zvidonaka, asi kudzoti ndizviite gogogo.19Ndava zvandinoita ndizvoba zvidonaka zvandinoda kuita, nikisi, asi zvidoipa zvandisingade kuitazvo ndizvo zvandinosimbira kuita.20Manje kana ndichiita zvandisingade kuita, ndiniba ndipo ndichiri kuzviita, chitema chinogara mandiri ndicho chiri kuzviita.
21Saka murau wandiri kuona uchishanda nguyu: Pandinoda kuita zvidonaka, chidoipa ndicho chinenge chiripo pakarepo.22Ndava mumunhu wangu womukati ndinofarira murau waMwari.23Asi mumuviri wangu ndinoona umwe murau udosiyana uchihwisana nopfungwa dzangu, uchinditapa nokundiita muranda womurau wochitema chinoshanda mumuviri wangu.24O, munhuni ndiri kuyaura uyanga! Mbani achandisunungura kubva kumuviri woipfayu?25Mwari mbaatendewe, kuburikidza naJesu Khirisitu Ishe wedu!
Zvidodaipo, inini pachangu: mupfungwa mangu, ndiri muranda womutemo waMwari, asi muunhu hwangu hwakare ndiri muranda wochitema.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014