Zvidozuruhwa9
1Zvino ngirozi yochishano paidoridza tsuri yayene, ndidoona nyenyedzi idombwerera panyika ichibva kudenga, uye idopasiwa khiyi yomusuwo wogomba risingagon'e.2Idovhura musuwo wogomba risingagon'e, utsi hudobirika mugombamo hunenge utsi hwobimbimbi romoto rikuru, zuva nomudenga zvidosvipisiwa noutsi hudobva pamusuwo wogomba.3Pakarepo muutsimo mudobirika mabombo yadobva yauya panyika, yadopasiwa simba ridofanana nosimba roturize topanyika.4Yadoudziwa kuti yareke kukanganisa usva panyika kana chimwe chinhu chinyoro kana muti upi zvawene, asi vanhu chete vasinai chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.5Mabombo yadotendehwa kuvahwadzisa kwomwedzi mishano, asi aikona kuvabaya, kuhwadzisa kwayene kwanga kudofanana nokuhwadzisa kwokarize kana kapfonda munhu.6Pamazuva yakareyo vanhu vachatsvaga ipfa asi havaiwane, vachaditsa kupfa, asi ipfa ichavatiza.7Pakuoneka kwayene mabombo yacho yanga yadofanana nomabhiza yanenge yagadzirihwa hondo, pamisoro yayene panga pano zvimwe zvinenge korona dzondarama, zviso zvayene zvanga zvidoita kunge zvovanhu.8Vhudzi rayene ranga ridoita kunge vhudzi rovanhukadzi, nomazino yayene yanga yadoita kunge mazino yomhondoro.9Pazvipfuwa zvayene panga pano zvivharidziro zvidoita kunge matare nokutinhira kwomaphaphiro yayene kwanga kudoita kunge kutinhira kwongoro dzomabhiza mazinji yanotizira kuenda kuhondo.10Yanga yanomwise inenge yoturize inopfonda, mwiseyo yaiva nosimba raikuwadza vanhu kwomwedzi mishano.11Yaiva namambo wayene, anova ngirozi yogomba risingagon’e. Zita rache muchiHebheru rinoitiwa Abhadhoni, uye muchiGiriki inonzi Aporiyoni zvinoreva kuti muparadzi.12Nhamu yokuthanga yadarika, nangara, dzimwe nhamu dziiri dzichatevera.13Pakarepo ngirozi yochitanhatu idoridza tsuri yayene, ndichibva ndanzva izvi richibva pamanyanga manai yothafura yochipiriso yondarama yanga iri pamberi paMwari,14richiti kungirozi yochitanhatu yanga inotsuri, “Sugudura ngirozi dzinai dzidosungirihwa pahwizi rikuru rinoitiwa Yufuretisi.”15Nokudaro ngirozi dzinai dzidosuguduriwa, dzanga dzidogadzirihwa nguwa yacho, nozuva, nomwedzi, uye nogore, kuti dzibaye chochitatu chovanhu.16Kuwanda kwomauto yanga yadogadha mabhiza yanga yari mamiriyoni mazana mairi, ndidonzva uwandu hwayene.17Aya ndiyo maonero yandidoita mabhiza mukunangidziwa kwangu, vanga vadoyagadha vanga vadosimira zvivharidziro zvozvipfuwa zvinoruvara ritsvuku kunge moto, norinenge denga risinai makuti, norokeri kunge sarufa. Misoro yomabhiza yanga idoita kunge yomhondoro, uye moto noutsi nosarufa zvidobirika mumiromo yayene.18Nomatambudziko yakareya matatu chochitatu chovanhu chidobaiwa, nomoto noutsi nosarufa zvidobirika mumiromo yayene.19Nokuti simba romabhiza riri mumiromo yayene nokumwise kwayene ndava mwise yayene idoita kunge nyoka, dzinomisoro yadzinokuwadza nayo.20Vamwe vanhu, vasinai kubaiwa nomatambudziko yakareya, havanai kupinduka kubva pamabasa yomanja yavo kana kureka kunamata mashave nozvifananidzo zvondarama nozvo sirivha nozvondarira nozvomabhwe nozvomiti, zvifananidzo zvisingaone kana kunzva kana kutekaira,21havanai kupinduka kubva pakubaya kwavo, kana pamapipi yavo, kana paupombwe hwavo, kana paumbavha hwavo.
The Word for the World International