Zvidozuruhwa7

1Mumasure mozvakarezvi ndidoona ngirozi dzinai dzidomira pamativi manai yonyika, dzidovhara mhepo dzinai dzonyika, kuti mhepo ireke kuvhuvhuta panyika kana pagungwa kana pamuti upi zvawene.2Ipopo ndidoona imwe ngirozi ichikwira ichibva kumabvazuva, yanga inochisimbiso chaMwari mupenyu, idodaidzira nodzinga rinoruzha kungirozi dzinai dzanga dzapasiwa masimba yokukuwadza nyika nogungwa,3ichiti, “Rekai kukuwadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzovaranda vaMwari.”4Ndidonzva kuwanda kwovadoisiwa chisimbiso, vanga vari zviuru zvinomazana makumi manai nozvinai kubva kumarudzi yese yovana vaIzirairi,5kubva kurudzi raJudha zviuru gumi nozviiri vadoisiwa chisimbiso, zviuru gumi nozviiri kurudzi raRubheni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raGadhi,6zviuru gumi nozviiri kurudzi raAseri, zviuru gumi nozviiri kurudzi raNafutari, zviuru gumi nozviiri kurudzi raManase,7zviuru gumi nozviiri kurudzi raSimiyoni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raRevhi, zviuru gumi nozviiri kurudzi raIsaka,8zviuru gumi nozviiri kurudzi raZebhuroni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raJosefa, zviuru gumi nozviiri vadoisiwa chisimbiso kurudzi raBhenjamini.
9Mumasure mozvakarezvi ndidonangara ndokuona, gurusvusvu rikurufutiro risingaverengeke! Rinobva kunyika dzese, nokumarudzi yese, nokuvanhu vese, nomitauro yese, vadomira pamberi pomupando woushe nopamberi poHwayana. Vanga vadosimira zvipfeko zvichena vadobata michindwe mumanja yavo,10vadodaidzira nodzinga rinoruzha vachiti, “Ruponiso ndaMwari wedu anogara pamupando woushe, nokuHwayana!”11Ipopo ngirozi dzese dzidomira dzidopoteredza mupando woushe novakuru nozvisikwa zvipenyu zvinai, vadohwarara pamberi pomupando woushe ndokunamata Mwari,12vachiti, “Ameni! Kurumbidziwa, nokubhwinya, nouchenjeri, nokupasa kutenda, nokukudziwa, nosimba, noukuru mbazvive kuna Mwari wedu nokusingaperepere! Ameni.”
13Pakarepo umwe wovakuru adoti kwandiri, “Mbanaani vakareva, vadosimira zvichena, uye vadobva poi?”
14Ndidoti kwaari, “Changamire, ndimi munoziva.”
Adoti kwandiri, “Vakareva ndivo vadobva mukushupika kukuru, vadosuka majasi yavo mugazi roHwayana ndokuyachenesa.
15Naizvozvo vari pamberi pomupando woushe waMwari, vanomunamata masikati nousiku muimba yache Mwari, iye anogara pamupando woushe achavavhumbamira.16Havachakomoka nonzara, kana kupfa nonyota, zuva harichavapisa kana kupisiwa nokumwe kupisa,17nokuti Hwayana riri pakati pomupando woushe richava nyakabusa wavo, richavatungamirira kutusipiti tomvura ipenyu, Mwari achapisika misodzi yese pameso yavo.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014