Zvidozuruhwa22

1Zvino ngirozi idondinangidza hwizi hwomvura youpenyu, iri ngwiro kunge matarara, yanga ichiyerera ichibva pamupando woushe hwaMwari nohwoHwayana,2ichipinda nopakati ponzira yoguta. Kumativi mairi yohwizi kwanga kuno muti woupenyu wanga uchibereka michero yomarudzi gumi nomairi, pamwedzi umwe noumwe, pakamu mazani yawene yaiva yokuporesa marudzi.3Hakuchinai chinhu chidoshurikidziwa.
Asi mupando waMwari woushe nowoHwayana uchava mukati marene, varanda vache vachamunamata.
4Vachaona chiso chache, uye zita rache richava pahuma dzavo.5Usiku hahuchadzovapo, havachadzoda chiedza chomwenje kana chozuva, nokuti Ishe Mwari achava chiedza chavo, uye vachatonga nokusingaperepere.
6Zvino ngirozi idoti kwandiri, “Mashoko yakareya yadotendeka njochokwadi. Ishe, Mwari womweya yovaporofiti, adotuma ngirozi yache kuti inangidze varanda vache zvinhu zvaakuda kuitiwa.”
7“Onai, ndinouya kamangu. Adokomborehwa wakareyo anochengeta mashoko yochiporofiti chomubhuku rakareri.”
8Inipano Johwani ndini ndidonzva nokuona zvinhu zvakarezvi. Zvino pandidonzva nokuzviona, ndidohwarara kuti ndinamate pamberi potsoka dzongirozi idondinangidza zvakarezvi.9Asi idoti kwandiri, “Reka kudaro! Ndiri muranda pabodzi naiwepa nohama dzako vaporofiti, novanochengeta mashoko yobhuku rakareri. Namata Mwari.”10Ipopo idoti kwandiri, “Reka kuzarira mashoko yochiporofiti yari mubhuku rakareri, nokuti nguwa yaapapfupi.11Muiti wozvidoipa mbaarambe achiita zvidoipa, noanotsambwa mbaarambe achisvipisiwa, noadorurama mbaarambe achiita zvidorurama, nomutsvene mbaarambe ari mutsvene.”
12“Onai, ndinouya kamangu, ndinouya nomubairo wangu kuti ndidzopasa umwe noumwe sezvaadobata.13Ndini Arufa naOmega, wokuthanga nowokupedzisira, mavambo nomagumo.”
14Vadokomborehwa vanosuka hembe dzavo, kuti vave nokodzero yokuuya kumuti woupenyu kuti vapinde muguta nopamisuwo.15Panze ndipo panoimbwa novaroi nomhombo novaurayi novanonamata zvifananidzo, novese vanoda mabhwodo vachiyaita.
16Inini Jesu ndidotuma ngirozi yangu kuti ikupfakazirei zvakarezvi kumakherekhe. Ndini mudzi nobukira rorudzi raDhavhiti, nyenyedzi inopenya yomambakwedza.”
17Mweya noMuroora vanoti, “Uya.”
Naiye anonzva mbaati, “Uya.”
Noanonyota mbaauye, anoda mbaatore mvura youpenyu pasinai chaanobhadhara.
18Ndinoyambira umwe noumwe anonzva mashoko yochiporofiti yari mubhuku rakareri ndichiti, kana munhu akaingidzira pazvinhu zvakarezvi, Mwari vachaingidzira kwaari matambudzo yadonyorewa mubhuku rakareri.19Kana munhu akatapudza mashoko yobhuku yokuporofita kwakareku, Mwari vachatapudza mugove wache pamuti woupenyu nomuguta ritsvene, nopazvinhu zvidonyohwa mubhuku rakareri.
20Iye anopfakaza zvinhu zvakarezvi anoti, “Chokwadi ndinouya kamangu.”
Ameni. Uyai Ishe Jesu!
21Mutsa waIshe Jesu mbauve novanhu vese. Ameni.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014