Zvidozuruhwa12

1Chiratidzo chikuru chidooneka kudenga, mukadzi wanga adosimira zuva, mwedzi uri pasi potsoka dzache, uye mumusoro wache manga munokorona yonyenyedzi gumi nodziiri,2wanga anomimba adodaidzira pakuda kuzvara kwache, achiyaura pakuzvara.
3Ipopo chimwe chiratidzo chidooneka kudenga. Tsato ikuru itsvuku, inomisoro minomwe nomanyanga gumi, pamisoro yayene panga panokorona dzinomwe.4Mwise wayene udotsvaira chochitatu chonyenyedzi dzokudenga, ikadzikutukudzira pasi. Tsatoyo idomira pamberi pomukadzi wanga waakuzvara mwana, kuti imedze mwana wache kana wazvariwa,5adozvara mwana mukomana, uyo achatonga marudzi yese notsvimbo yosimbi, asi mwanakomana wache adopwitiwa achikwidziwa kunaMwari nokumupando wache woushe.6Mukadzi adotizira kusango kunzvimbo yaadogadzirihwa naMwari, kuti vamuchengete kwomazuva chiuru nomazana mairi nomakumi matanhatu.
7Zvino hondo idomuka kudenga, Mikaeri nongirozi dzache vadohwisana notsato, uye tsato nongirozi dzayene dzidohwisawo dzichitsiidza,8asi dzidokundiwa futi panga pasisina nzvimbo yadzene kudenga.9Tsato ikuru idokutukudzihwa pasi, iyo nyoka yokare, inoitiwa Jabhurosi naSathani, munyengedzi wopasi pese adokutukudzihwa pasi panyika, pabodzi nongirozi dzayene.
10Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha kudenga, richiti, “Zvino ruponiso nomasimba noushe hwaMwari wedu nomasimba yaKhirisitu wache yauya, ndava munenedzeri wohama dzedu anovanenera masikati nousiku pamberi paMwari wedu wakutukudzihwa pasi.11Ivo vadomukunda nogazi roHwayana uye noshoko rokupfakaza kwavo, ndava havanai kuda upenyu hwavo kusvikira paipfa.12Saka farai, imimi denga naimimi munogara kwakareko! Asi munonhamu imimi nyika nogungwa, nokuti jabhurosi wauya pasi kwamuri adokaripa maninge, nokuti anoziva kuti nguwa yache njipfupi!”
13Tsato paidoona kuti yakutukudzihwa pasi panyika, idodzingidza mukadzi adozvara mwana mukomana.14Asi mukadzi adopasiwa maphaphiro mairi yogondo rikuru kuti ambururukire kusango, kunzvimbo yaadochengetehwa kwonguwa, nodzimwe nguwa nochidimbu chonguwa, kusingasvikiwe notsato.15Ipopo nyoka idorutsa mvura idoita kunge kahwizi kubva mukamwa mayene ichida kuyeredza mukadzi nomafashamu.16Asi nyika idobatsira mukadzi, nyika idoshamisa muromo wayene ndokumedza kahwizi kanga kabiritsiwa kachibva mukamwa motsato.17Pakarepo tsato idokaripira mukadzi, idoenda koita hondo novamwe vana vache, vaye vanochengeta murairo waMwari novanopfakazira Jesu.18Tsato idomira pajecha rogungwa.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014