2 Pita3

1Vadikani, iri rava tsamba rangu rochipiri kwamuri. Mayari yese ndidonyora iri yeuchidzo yokukumutsai mufungo udochena,2ndinoda kuti muyeuke mashoko yadonyaihwa mumasure novaporofiti, nomurairo waIshe naMuponisi kuburikidza nonhumwa dzenyu.3Chokuthanga, munofanira kunzvitsitsa kuti mumazuva yokupedzisira vaseki vachauya vachiseka nokuzvidza. Vachitevera zvido zvavo zvidoipa4vachiti, “Chiri poi chivimbiso chokuuya kwache? Ndava chipfiro chidoita madzibaba yedu, zvinhu zvese zviri paugariro hwazvene kubva pachisikihwo!”5Vanokangamwa utova kuti matenga nonyika zvanga zviripo kare zvidoitiwa noshoko raMwari, nonyika idoitiwa nomvura uye kubva mumvura,6futi kuburikidza nomvura yakareyo nyika yanga iripo idonyudziwa nokuparadziwa.7Noshoko ribodzibodziro matenga nonyika zvazvino zvidochengetehwa zuva rokutonga norokuparadziwa kwovanhu vasinai umwari.
8Hama dzinodikana rekai kukangamwa chinhu ichi chibodzi, kuti kuna Mwari zuva ribodzi rinenge chiuru chomakore nochiuru chomakore chinenge zuva ribodzi.9Ishe anochehwaba pachivimbiso chache semanzvitsitsiro yovamwe vanoti nghuchehwa, asi anomwoyo murefu nemi, anodaba kuti pawane anoparara, asi kuti vese vasvike pakupinduka.
10Asi zuva raIshe richauya sembavha. Ipopo matenga yachapfuura noruzha rikuru, nozvinhu zviri kumatenga zvichanyungudutsiwa nomoto, nonyika nomabasa yese yari mairi yachatsva.11Sezvo zvinhu zvese zvazvichaparara daipa, munofanira kuva vanhu vadoita tini? Munofanira kurarama upenyu hutsvene hunoumwari,12mudomirira zuva raMwari rinokurumidza kusvika. Zuva rakarero richauyisa kuparadziwa nomoto kwomatenga, nozvinhu zvayene zvichanyungudika nochithuthu chikuru.13Asi maererano nochivimbiso chache tinotarisira denga ritsva nonyika itsva, munogara kururama.
14Saka, hama dzangu, sezvo mudomirira zvakarezvi, edzai chaizvo kuti akuwanei musinai dondorozi kana chamunonenehwa, uye munorugare naye.15Mbazvive mupfungwa dzenyu kuti mwoyo murefu waIshe wedu unoreva ruponiso, sezvamudonyorehwa naPhauro hama yedu inodikana muuchenjeri hwaadopasiwa naMwari,16anonyora nonzira ibodzibodziyo mutsamba dzache dzese, achinyaira zvinhu zvakarezvi madziri. Tsamba dzache dzinozvinhu zvidooma kunzvitsitsa, izvo zvinophidigutsiwa novasingazive novasinai kudiha, sezvavanoita noyamwe Magwaro kuti vaparadziwe nazvo.
17Nokudaro, hama dzangu, sezvo izvi muchizviziva, chenjererai kuti mureke kukukuhwa nokuphonya kwovanhu vasingachengete mutemo muchiwa kubva panzvimbo yamudochengeteka.18Asi kurai pamutsa nomuruzivo raIshe wedu naMuponisi Jesu Khirisitu. Kwaari mbakuve kubhwinya kubva zvino nokusingapere! Ameni.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014