2 Pita1

1Kubva kuna Simoni Pita, muranda nonhumwa yaJesu Khirisitu.
Kuno avo vadotambira kutenda kunokosha kudoenzana nokwedu mukururama kwaMwari wedu noMuponisi Jesu Khirisitu.
2Mutsa norunyararo mbazviingidzihwe kwamuri kuburikidza nokuziva Mwari naJesu Ishe wedu.
3Masimba yache youmwari yadotipasa zvese zvatinoda muupenyu hwoumwari kuburikidza nokumuziva iye adotidaidza nokubhwinya nokunaka kwache.4Kuburikidza nozvakarezvi adotipasa zvivimbiso zvache zvikuru zvinokosha, kuitira kuti kuburikidza nazvo mupukunyuke kubva pahuori huri munyika hunokonzehwa nozvido zvidoipa mukovehwe umwari.5Nochikonzero chakarechi, edzai nopamunokona napo pese, kuti muingidzire buya pakutenda kwenyu, nopabuya ruzivo,6noparuzivo kuzvidzora, nopakuzvidzora kuchiirira, nopakuchiirira umwari,7nopaumwari kufarira abiyenyu, nopakufarira vabiyenyu rudo.8Ndava kana zvinhu zvakarezvi munazvo zvichimbondoingidzika, zvichakubisai pakuva vanhu vadondogara vasinai zvibereko pakuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Khirisitu.9Ndava kana munhu asinai zvakarezvi, irombe risingaone kurefu, futi wakangamwa kuti adosukiwa zvitema zvache zvomumasure.
10Saka, hama dzangu, edzai zvidosimba kuti kudaidziwa nokusaruriwa kwenyu kuve pachokwadi. Ndava kana muchiita zvinhu zvakarezvi, munombweraba,11futi muchanyanyitsa kutambihwa muumambo hwokusingapere hwaIshe naMuponisi wedu Jesu Khirisitu.
12Saka ndichida kukuyeuchidzai zvinhu zvakarezvi nguwa dzese, kana zvenyu muchizviziva uye mudomira zvidosimba muchokwadi chamunacho zvino.13Ndinofunga kuti zviri mushe kana ndichiri mumuiri uno kuti ndimutsiridze kufunga kwenyu.14Sezvo ndichiziva kuti kusunhuriwa kwangu pamuiri uno kwava papfupi, sezvandidonangidziwa naIshe wedu Jesu Khirisitu.15Ndichaita zvese zvandinokona kuti kana ndaenda mudzokwanisa kuramba muchiyeuka zvinhu zvakarezvi nguwa dzese.
16Patidokuzivisai zvosimba nokuuya kwaIshe wedu Jesu Khirisitu, hatinai kutevera zvinzano zvidopakasiwa nouchenjeri, asi taitova pfakazi dzidoona ukuru hwache.17Ndava paadotambira kuremekedzewa nokubhwinya kubva kuna Mwari Baba, izvi ridouya kwaari noKubhwinya Kukuru, richiti, “Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoditsitsa ndinofadziwa naye maninge,”18isisu pachedu tidorinzva izvi rakareri ridobva kudenga tinaye pagomo rinoyera.
19Pakare tinoshoko rochiporofiti rino chokwadi chikuru, futi munoita mushe kana muchiritetekera, semwenje unovhenekera murima, kusvikira kwaakuda kuchena nonhanda yabirika ichivhenekera mumwoyo yenyu.20Chokuthangitsitsa munofanira kunzvitsitsa kuti hapanai Gwaro rochiporofiti ridondouya nokurapanura kwomunhu,21ndava chiporofiti hachinai kuvamba kubva pachido chomunhu, asi vanhu vainyaira zvichibva kuna Mwari vachitungamihwa naMweya Mutsvene waMwari.

The Word for the World International

https://app.library.bible/content/7e47cd934792d014