Zefania1sna_bib

1Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedharia, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti:

Yambiro yokuuya kwoKuparadzwa

2“Ndichatsvaira zvosekubva pamusoro penyika,”ndizvo zvinotaura Jehovha.3“Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka;ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa.Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete,kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

Kurwiswa kweJudha

4Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judhauye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema.Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari,mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo,5vaya vanopfugama pamusoro pedzimbakuti vanamate nyeredzi dzedenga,vaya vanopfugama vachipika naJehovhauye vanopikawo naMoreki,6vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovhauye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.7Nyararai pamberi paIshe Jehovha,nokuti zuva raJehovha rava pedyo.Jehovha agadzirira chibayiro;akavaita vatsvene, vaya vaakakoka.8Pazuva rechibayiro chaJehovha,ndicharova machindanavanakomana vamambo,navaya vose vakapfekanguo dzavatorwa.9Pazuva iro ndicharangavose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro,vanozadza temberi yavamwari vavonechisimba nounyengeri.
10“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,“kuchema kuchanzwikwa kubva kuSuo reHove,kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta,nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.11Ungudzai imi munogara munharaunda yomusika,vashambadzi venyu vose vachaparadzwa,vose vanotengesa nesirivha vachaparadzwa.12Panguva iyoyo ndichanzvera Jerusarema nomwenje;uye ndicharanga vaya vagere zvavo,vakaita sewaini yakasiyiwa mumasese ayo,vanofunga kuti, ‘Jehovha hapana zvaangaita,zvakanaka kana zvakaipa.’13Upfumi hwavo huchapambwa,dzimba dzavo dzichaputswa,vachavaka dzimba,asi havangagari madziri;vachasima minda yemizambiringa,asi havanganwi waini yacho.

Zuva Guru raJehovha

14“Zuva guru raJehovha rava pedyo,pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza.Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza,kuchema kwemhere ipapo.15Zuva iro richava rokutsamwa,zuva rokudzungaira nokumanikidzwa,zuva rokutambudzika nokuparadzwa,zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima.16Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona.17Ndichauyisa kudzungaira pavanhuuye vachafamba samapofu,nokuti vakatadzira Jehovha.Ropa ravo richadururwa seguruva,uye nyama yavo sendove.18Sirivha yavo kana goridhe ravohazvingagoni kuvaponesa,pazuva rokutsamwa kwaJehovha.Mumoto wegodo rakenyika yose ichaparadzwa,nokuti achauyisa magumo pakarepokuna vose vanogara panyika.”