Kutongwa kwaVavengi veIsraeri
Chirevo
1Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhirakiuye richagara pamusoro peDhamasiko,nokuti meso avanhu naamarudzi oseeIsraeri ari pana Jehovha,2uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro,uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo.3Tire yakazvivakira nhare;yakaunganidza sirivha seguruvauye goridhe samarara omumugwagwa.4Asi Ishe achatora upfumi hwayouye achaparadzira simba rayo pagungwa,uye ichaparadzwa nomoto.5Ashikeroni richazviona, rigotya;Gaza richatambura mukurwadziwa,neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera.Gaza richarasikirwa namambo warouye Ashikeroni haringavi navanhu.6Vatorwa vachagara paAshidhodhi,uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia.7Ndichabvisa ropa pamiromo yavo,kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo.Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari weduuye vachava vatungamiri muJudha,uye Ekironi achava savaJebhusi.8Asi ndichadzivirira imba yangupavarwi vanoirwisa.Hapachazovazve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu,nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira.Kuuya kwaMambo weZioni
9Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni!Danidzira, Mwanasikana weJerusarema!Tarira, mambo wako anouya kwauri,iye akarurama uye ano ruponeso,anozvininipisa akatasva mbongoro,iyo mhuru, mwana wembongoro.10Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu,namabhiza ehondo kuJerusarema,uye uta hwehondo huchavhunwa.Achaparidzira ndudzi rugare.Ushe hwake huchabva kugungwa huchisvika kugungwa,uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.11Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe,ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura.12Dzokerai kunhare yenyu, imi vasungwa vetariro;kunyange iye zvino ndichazivisa kuti ndichadzorera kwamuri zvakapetwa kaviri.13Ndichakunga Judha sendinokunga uta hwangu,uye ndichaizadza naEfuremu.Ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni,kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi;uye ndichakuita somunondo wemhare.Jehovha achaonekwa
14Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo;museve wake uchapenya semheni.Ishe Jehovha acharidza hwamanda;achafamba mudutu rezasi.15Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira.Vachaparadzauye vachakunda nezvimviriri.Vachanwa vagoomba sevanwa waini;vachazara sembiya dzinoshandiswapakusasa makona earitari.16Jehovha Mwari wavo achavaponesapazuva iroro seboka ravanhu vake,Vachavaima munyika yakesamabwe anokosha ari mukorona.17Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei!Zviyo zvichaita kuti majaya abudirire,uye waini itsva kumhandara.