MAPISAREMA83sna_bib

Rwiyo. Pisarema raAsafi.

1Haiwa Mwari, regai kunyarara;musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.2Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu,namasimudziro avaita misoro yavo.3Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu;vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.4Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi,kuti zita raIsraeri rirove.”
5Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete;vanoita sungano yokuzorwa nemi,6matende eEdhomu nevaIshumaeri,neMoabhu navaHagari,7Gebha, Amoni neAmareki,Firistia, navanhu veTire.8Kunyange neAsiria yabatananavo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera
9Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia,sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,10ivo vakafira paEndoriuye vakava sendove pamusoro pevhu.11Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi,machinda avo ose saZebha naZarumuna,12ivo vakati, “Handei tindotoramafuro aMwari.”
13Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira,sehundi inodzingwa nemhepo.14Somoto unopisa sangokana moto unoririma mugomo,15saka vateverei nedutu renyumugovavhundutsa nokutinhira wenyu.16Fukidzai zviso zvavo nenyadzikuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.
17Ngavarambe vachinyadziswauye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.18Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha,ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.