MAPISAREMA8sna_bib
Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.
1Haiwa Jehovha, Ishe wedu,zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!Makaisa kubwinya kwenyukudenga kumusoro.2Pamiromo yavana navachechemakaisa rumbidzonokuda kwavavengi venyu,kuti munyaradze muvengi nomutsivi.3Kana ndichifunga nezvamatenga enyu,iro basa reminwe yenyu,mwedzi nenyeredzi,zvamakarongedza panzvimbo yazvo,4munhu chiiko zvamunomufunga,kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?5Makamuita muduku zvishoma pana Mwari,uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.6Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu;mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:7makwai ose nemombe,nemhuka dzesango,8neshiri dzedenga,nehove dzegungwa,zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.9Haiwa Jehovha, Ishe wedu,zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!