MAPISAREMA75sna_bib
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo.
1Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai,nokuti Zita renyu riri pedyo;vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.2Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa;ndini ndinotonga zvakarurama.3Panozununguka nyika yose navanhu vayo,ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera4Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.5Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga;regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”6Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira,kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.7Asi Mwari ndiye anotonga:Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.8Muruoko rwaJehovha mune mukombeuzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira;anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyikavanoinwa kusvikira pamasese ayo.9Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi;ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.10Ndichagura nyanga dzavakaipa vose,asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.