MAPISAREMA67sna_bib
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Pisarema. Rwiyo.
1Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze,uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera2kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika,ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose.3Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;marudzi ose ngaakurumbidzei.4Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro,nokuti munotonga marudzi nokururamisira,uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera5Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari;marudzi ose ngaakurumbidzei.6Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo,uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza.7Mwari achatiropafadza,uye migumo yose yepasi ichamutya.