MAPISAREMA61sna_bib

Kumutungamiri wokuimba, nomutengeranwa une hungiso. Pisarema raDhavhidhi.

1Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari;rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu.
2Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri,ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya;nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura.3Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu,shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu.
4Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi,uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera5Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari;makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu.
6Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo,makore ake kumarudzi namarudzi.7Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi;gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire.
8Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo,uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.