MAPISAREMA6sna_bib
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.
1Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,kana kundiranga muhasha dzenyu.2Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.3Mweya wangu uri kurwadziwa.Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?4Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.5Hakuna anokurangarirai kana afa.Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?6Ndaneta nokugomera;ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.7Meso angu aneta nokuchema;haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.8Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.9Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.10Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.