MAPISAREMA39sna_bib
Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.
1Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangunokuchengeta rurimi rwangu pachivi;ndichaisa matomu pamuromo wangukana vakaipa vari pamberi pangu.”2Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama,ndisingatauri kana chakanaka zvacho,kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.3Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu,uye pandakafungisisa, moto ukapisa;ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:4“Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangunokuwanda kwamazuva angu;ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.5Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu;kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu.Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.6Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake:anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina;anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.7“Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko?Tariro yangu iri mamuri.8Ndiponesei pakudarika kwangu kwose;regai kundiita chiseko chamapenzi.9Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu,nokuti ndimi makaita izvi.10Bvisai shamhu yenyu kwandiri;ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.11Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo,munoparadza pfuma yavo sechipfukuto,munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera12“Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha,rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro;regai kuva matsi pakuchema kwangu.Nokuti ndigere nemi somutorwa,somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.13Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazvendisati ndabva uye ndisisipo.”