MAPISAREMA16sna_bib
Mikitami raDhavhidhi.
1Ndichengetedzei, imi Mwari,nokuti ndinovanda mamuri.2Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu;kunze kwenyu handina chinhu chakanaka.”3Kana vari vatsvene vari panyika,ndivo vakaisvonaka vandinofarira chose.4Kuchema kuchawedzerwa,kwaavo vanomhanyira vamwe vamwari.Handichazodiri zvipiriso zvavo zveropazvinodururwa kana kuisa mazita avo pamiromo yangu.5Jehovha, makandigovera mugove wangu nomukombe wangu;mukaita kuti mugove wangu uchengetedzeke.6Ndakayererwa miganhu panzvimbo yakanaka;zvirokwazvo ndine nhaka inofadza.7Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano;kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.8Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.Nokuti ari kurudyi rwangu,handingatongozungunuswi.9Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza;muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,10nokuti imi hamuzondisiyi muguva,kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora.11Makandizivisa nzira youpenyu;muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu,nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.