MAPISAREMA143sna_bib
Pisarema raDhavhidhi.
1Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu,ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu;uyai mundisunungure nokutendekauye nokururama kwenyu.2Musauyisa muranda wenyu mukutongwa,nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.3Muvengi anondidzinganisa,anondirovera pasi;anondiita kuti ndigare murimasavaya vakafa kare.4Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu;mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.5Ndinorangarira mazuva akare kare;ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.6Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera7Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura;mweya wangu woziya.Regai kundivanzira chiso chenyunokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.8Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,nokuti ndinovimba nemi.Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.9Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha,nokuti ndinozvivanza mamuri.10Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,nokuti muri Mwari wangu;mweya wenyu wakanakangaunditungamirire panzira yakati chechetere.11Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu;ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.12Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi;paradzai vavengi vangu vose,nokuti ndiri muranda wenyu.