MAPISAREMA125sna_bib
Rwiyo rworwendo.
1Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni,risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.2Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo,saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vakekubva zvino nokusingaperi.3Tsvimbo yavasakarurama haingagaripamusoro penyika yakagoverwa vakarurama,nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudziramaoko avo kuita zvakaipa.4Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka,kuna avo vane mwoyo yakarurama.5Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama,Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa.Rugare ngaruve pana Israeri.