MAPISAREMA121sna_bib
Rwiyo rworwendo.
1Ndinosimudzira meso angu kumakomo,kubatsirwa kwangu kunobvepiko?2Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,muiti wokudenga napasi.3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,muchengeti wako haangakotsiri;4zvirokwazvo, muchengeti waIsraerihaangakotsiri kana kuvata.5Jehovha anokurinda,Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;6zuva haringakubayi masikati,kana mwedzi usiku.7Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,iye acharinda upenyu hwako;8Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,kubva zvino uye nokusingaperi.