MAPISAREMA12sna_bib

Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;vakatendeka vapera pakati pavanhu.2Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.
3Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,norurimi rumwe norumwe runozvikudza4ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”
5“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simbanokugomera kwavarombo,ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”6Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,yakanatswa kanomwe.
7Imi Jehovha, muchatichengeta murugareuye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.8Vakaipa vanofamba-famba vakasunungukakana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.